Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Newspapers Yoronga Kutanga Nhepfenyuro


Bhodhi rekambani yeZimpapers Group, rinoti rinoda kutanga nhepfenyuro yeterevhizhoni nerhedhiyo senzira yekukudza kambani iyi.

Zimpapers ndiyo ine mapepamhau anoti Herald, Chronicle, Manica Post, Sunday Mail ne Kwayedza.

Pfungwa yekutanga kutepfenyura yakataurwa nasachigaro webhodhi reZimbabwe Newspapers, Va Paul Chimedza, kumusangano wekambani yavo wakaitirwa kuNyanga. VaChimedza vakati Zimpapers inofanira kuita izvi nechimbi chimbi.

Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va George Charamba, vakati Zimpapers inofanirwa kutsvaga nzira dzekurarama nadzo nekuti nyaya dzenhau dzepasi rose dziri kuchinja.

VaCharamba vakati Zimpapers inofanirwa kupinda zvakadzika munyaya dzekushandisa masaisai e internet. Nyaya yekutanga nhepfenyuro ye Zimpapers haina kutambirwa zvakanaka nevamwe munyaya dzenhau vava nemakore vakamirira kupihwa marezenisi ekutepfenyura munyika.

Mukuru weMisa-Zimbabwe, Va Nhanhla Ngwenya, vanoti kana Zimpapers ichipihwa rezenisi, vamwewo vanhu vanofanira kupihwawo mukana mumwe chetewo.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaAbel Chikomo, vanotiwo Zimpapers haifaniri kutepfenyura nekuti mapepanhau ayo anoshanda akarerekera kuZanu PF.

XS
SM
MD
LG