Accessibility links

Breaking News

Mauto Otanga Kugadzirira Kupinda Musarudzo Dzichaitwa Munyika


Zvinhu zvaita manyama amire nerongo mumatunhu eMasvingo neManicaland umo mauto achiri pabasa ari kutsvaga rutsigiro musarudzo dzichaitwa munyika kunyange hazvo pasati patarawa zuva rekuti sarudzo dzichaitwa riinhi.

Zvichitevera danho ratorwa nemauto anodyidzana neZanu-PF aya, pave nekushushikana kukuru muMasvingo neManicaland, sezvo vagari vemumatunhu aya vari kuona izvi sekufudziswa ingwe.

Bato reZanu-PF harisi kuwirirana panyaya iyi sezvo zvigaro zviri kuda kukwikwidzwa nemauto aya, zvagara zviri zvevanhu veZanu-PF vasiri muchiuto. Vamwe vanoti vanhu vanofanira kukwikwidza musarudzo ndevaya vagara vaine zvinzvimbo mubato kwemakore mashanu.

Asi vemauto vachitsigirwa nemukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, naRetired Air Marshal Henry Muchena, vanoti vemauto havafanire kunge vakamboita zvinzvimbo mubato. Vakuru vemauto ava vakatodoma kare vanhu vachavamirira avo vatotanga kutsvaga rutsigiro.

Vakadomwa kuMasvingo vanosanganisa Retired Colonel Claudious Makova, Retired Colonel Mutero Musanganise, Retired Brigadier Livingstone Chineka nevamwe. KuManicaland vazhinji vevakadomwa ava vachiri muchiuto.

Vanhu ava vanosanganisirawo Colonel Svosve, Major Madzimure. Colonel Morgan Mzilikazi naAir Commodore Innocent Chiganze, pamwe na Retired Major General Mike Nyambuya.

Retired Major Bernard Mararire vekuMasvingo vabvuma kuti vari kukanda nguwani yavo mudariro musarudzo dzichaitwa kuMasvingo.

Zvichakadaro, bazi revechidiki reMDC-T rinoti harisi kuzobvuma kuti sarudzo itsva dziitwe munyika kana vakuru vakuru vemuchiuto vasina kusiya basa.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutaurwa nevamwe vari muchiuto, avo vanosanganisira Brigadier General Douglas Nyikayaramba, ekuti vemuchiuto havasi kuzocherechedza munhu asina nhoroondo yehondo kuti ave mutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG