Accessibility links

Breaking News

Copac Yoronga Zvinofanirwa Kunge Zviri muBumbiro Idzva


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC neChipiri yakaparura hurongwa wekuronga zvakabva muvanhu kuti zvinge zviri pasi pemadingindira akasiyana siyana.

Asi vamwe vanonzi vakaoma musoro muZanu-PF vanonzi vari kusimbirira nyaya yekuti paitwe sarudzo gore rino, kunyange vakawanda vari kuti pane zvakawanda zvichiri kuda kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Vamwe muZanu-PF vasina kuda kudomwa nemazita vanoti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitsigirwa nevakuru muchiuto, ndivo vosimbirira nyaya yekuti paitwe sarudzo gore rino. Zvinonzi vari kutiwo referendamu yebumbiro idzva iitwe muna Chikumi sarudzo dzoitwa gore risati rapera.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo voomeserwa neSADC kuti vasaite dzimwe sarudzo dzine mutauro, vanenge vodududza pamaitiro avo vachiti sarudzo dzimbomira kuitwa kusvika zvimwe zvinhu zvavandudzwa.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti veMDC vave kushanda nevanopa mari, kuitira kuti pave nekunonoka mukuburitswa kwemari yekuti referendamu iitwe.

Mumwe wemasachigaro eCopac, uye vachimirira Zanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti hapana chinomisa kuti referendamu iitwe muna Chikumi.

Mumwe wemasachigaro weCopac anomiririra MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo referendum ichaitwa muna Gumiguru.

XS
SM
MD
LG