Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Ichaenderera Mukutengesa Mangoda ekwa Marange


Zimbabwe inoti haisi kuzoteerera zviri kutaurwa ne America nemasangano emangoda akaita se World Diamond Council nemamwe ari kuti mangoda ekwa Marange asatengeswa pari zvino kunyange hazvo sachigaro we Kimberley Process, Va Mathieu Yamba, vakapa mvumo yekuti mangoda aya atengeswe.

America, nyika dze European Union, Canada, Israel, masangano emangoda nevamwe, vari kuti Va Yamba vakaita zvemusoro wavo.

Asi gurukota remigodhi, VaObert Mpofu, vanoti nyika idzi dziri kuisa zvematongerwe enyika mukati menyaya yemangoda.

Va Mpofu vanoti zvinovashamisa kuti nyika idzi dziri kuramba kuteerera zvakataurwa naVa Yamba nekuti ndisachigaro wenyika yemuAfrica.

Vati Israel payaiva sachigaro, zvese zvaitaurwa nayo zvaiitwa. Va Mpofu vanoti Zimbabwe ichaenderera mberi nekutengesa mangoda ayo.

Nhengo yeKP Local Focal Point, Va Dewa Mavhinga, vanoti nyaya yemangoda ekwaMarange inongoda kuti Zimbabwe iite zvinodiwa nenhengo dzese dzeKP kuti igadziriswe.

XS
SM
MD
LG