Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotyisidzira KP neKuyiendesa kuMatare


Hurumende inoti ichakwidza Kimberley Process, KP, kumatare edzimhosva kana sachigaro vayo, Va Boaz Hirsch, vakasadzoka shure padanho ravakatora rekukurudzira vatengi vemangoda pasi rose kusatenga mangoda ekwa Marange kusvika paita kuwirirana mu KP pamusoro penyaya iyi.

Gurukota rezvemighodhi, Va Obert Mpofu, vakanyora tsamba kuna Va Hirsch vachivaudza kuti vashandure danho ravakatora, uye vakasaita izvi, vachakwidza nyaya iyi kumatare.

Va Mpofu vanoti sezvo musangano we KP wakaitirwa ku Israel mwedzi usina kuwirirana, zvinorave kuti Zimbabwe inofanirwa kufanotengesa mangoda ayo pachibvumirano chagara chiripo.

Asi Va Hirsch vakati nhumwa ye KP ku Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vakaita zvemusoro wavo pavakabvumidza mangoda eZimbabwe kutengeswa.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTinoziva Bere, vanoti zviri kuitwa naVa Mpofu zvinoratidza kuti vapererwa nekuda kutengesa mangoda ekwa Marange.

XS
SM
MD
LG