Accessibility links

Va Chinamasa Vanomisa Kuverengwa kweBhiri Rekuvandudza POSA

  • Violet Gonda

Bhiri rekuvandudza mutemo wePOSA rakatozeiwa kare nedare repasi re House of Assembly rikatambirwa

Gurukota rezvemitemo uye vari nhengo yedare reseneti, Va Patrick Chinamasa, vakatidzisa kuzeiwa kwebhiri rekuvandudza mutemo wePOSA mudare reseneti vachiti dare iri harifanirwe kubata nyaya iyi nekuti inyaya inofanirwa kugadziriswa zvichitevedzwa zviri muchibvumirano che Global Political Agreement.

Bhiri rekuvandudza mutemo wePOSA rakatozeiwa kare nedare repasi re House of Assembly rikatambirwa.

Asi parakapinda mudare reseneti nezuro, nyaya iyi yakabva yatsviriridza, VaChinamasa veZANU-PF vachiti kwete, ukuwo veMDC vachiti ngarizeiwe.

Zvichitevera danho rakatorwa naVaChinamasa, avo vakati bhiri iri rakaendeswa mudare re House of Assembly nenzira isiri iyo nemukokeri weMDC-T mudare iri, Va Innocent Gonese, kuzeiwa kwebhiri iri kwakabva kwasendekwa kunyange hazvo rakanga raverengwa kamwe chete.

Va Gonese vanoti vachaedzazve kudzosa bhiri iri kana hurukuro dzemuhurumende yemubatanidzwa dzikasabudirira.

XS
SM
MD
LG