Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Aids Day


** ARCHIV ** Ein Mitglied der Thueringer Aids-Hilfe ueberreicht eine AIDS-Schleife am Welt-Aids-Tag, 1. Dezember 2006, in der Innenstadt von Erfurt. Trotz verbesserter Therapien hat sich die Zahl der jaehrlichen Aids-Toten in Deutschland in den vergangene

Mitambo yaitwa mizhinji yanga iri yekukurudzira vanhu kuti vazvichengetedze.

Kwanga kusingadaidzwe anonzwa neChitatu muKadoma apo zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muguta iri senzira yekucherechedza zuva re World Aids Day pasi rose.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vakuru veNational Aids Council pamwe nemasangano evanorarama neHIV-Aids, vanga varipo pagungano iri.

Vaimbi vane mukurumbira, Suluman Chimbetu, Tongai Moyo, nevamwe varidza mimhanzi vachikurudzira vanhu kuti vanoongororwa ropa ravo.

Mitambo yaitwa mizhinji yanga iri yekukurudzira vanhu kuti vazvichengetedze. Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzanga dzichipawo pfungwa dzadzo muzuva iro vanhu vanga vachitarisa zvaitwa nenyika, pamwe nezvinoda kuitwa kuitira kumisa kupararira kwe HIV/Aids munyika.

Mukuru we The Aids and Arts Foundation muZimbabwe, Va Emmanuel Gasa, vati pane zvizhinji zvichiri kuda kuitwa kuitira kuti vanhu vapihwe mishonga yema ARV kana vachinge vaine hutachiwona, zvikuru sei kumaruwa.

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai rinoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuona kuti kodzero dzevanhu vanorarama neHIV/AIDS dzachengetedzwa. Bato iri rinotiwo kupararira kweHIV/AIDS kunofanirwa kumiswa, sezvo dambudziko iri riri kuvhiringidza kusimukira kwenyika.

MDC inoti hurumende inofanirwa kuona kuti vanhu vanoda mishonga yema Anti Retriviral Drugs, kana kuti ARVs, vawaniswa mishonga iyi. Bato iri rinoti Zimbabwe iri kurasikirwa nevanhu zviuru zvishanu pasvondo roga roga nepamusana pechirwere ichi.

MDC inokurudzirawo veruzhinji kuti vaongororwe ropa ravo, kuitira kuti vazive kana vaine hutachiona hunokodzera mukondombera.

Ukuwo mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vavimbisa pasi rose kubatsira vanhu vanosvika mamiriyoni makumi matatu nematatu avo vari kurarama neHIV/AIDS. VaObama vati nyika yavo icharamba ichibatsira mukudzivirirwa kweHIV/AIDS pasi rose.

XS
SM
MD
LG