Accessibility links

Breaking News

ZINASU Yokurudzira Hurumende Kuwedzera Mari dzeVadzidzi


Zinasu
Zinasu
Sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Unions, kana kuti ZINASU, rinoti hurumende inofanira kupa rubatsiro rwemari yechikoro kana kuvapa mukana wekutora zvikwereti zvemari yedzidzo sezvo vadzidzi vazhinji vari kutadza kuenda kuzvikoro izvi nekuda kwekushaya mari.

Mutungamiri mutsva wesangano iri achangobva kusarudzwa, VaGilbert Mutubuki wepaUniversity of Zimbabwe, vanoti chirongwa chehurumende cha cadetship hachina kubudirira sezvo hurumende iri kutadza kubhadhara mari pasi pechirongwa ichi izvo zviri kukonzera kuti vese vari pasi pechirongwa ichi vadzingwe muzvikoro.

Gore rapfuura chete hurumende yakatadza kupa zvikoro zvepamusoro mari inodarika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora inova mari yayaifanira kubhadhara pasi pe cadetship scheme izvo zvakakonzera kuti zvikoro zvirambe kutambira vana vese vari pasi pechirongwa ichi.

VaMutubuki vanoti bumbiro idzva remitemo yenyika rinoti munhu wese anofanira kupihwa mukana wekuwana dzidzo uye panenge pasina chikonzero chekuti vanhu vakaenderei kuhondo yerusununguko kana hurumende ikatadza kuendesa vana kuzvikoro zvepamusoro soro.


Vanotiwo zvinorwadza kuti makurukota nevakuru vakuru muhurumende vanoendesa vana vavo nehama dzavo kuzvikoro zviri kunze kwenyika asi vachitadza kupa mari inoringana kuzvikoro zvemuno.

VaMutubuki vati sangano ravo richasangana nebazi rezvemari nechinangwa chekuti riwedzere mari kudzidzo, kuvaka dzimba dzekudzidzira nedzekugara sezvo dziri muzvikoro izvi dzisisakwane.

Vatungamiriri vatsva veZINASU vakaitawo chisungo chekuti kunyange hazvo sangano iri richizopinda munyaya dzebudiriro nekusimudzira nyika, harisi kuzozembera kumapato ezvematongerwo enyika vachiti izvi zvinozokanganisa mashandiro aro sekutsanangura kwaVaMutubuki.


Komiti yeZINASU yaitungamirirwa naVaPride Mukono yakashora vamwe vatungamiriri mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, ichiti vainge vave kupindira munyaya dzekufambiswa kwezvinhu musangano iri revadzidzi.
XS
SM
MD
LG