Accessibility links

Breaking News

ZINASU Yoronga Kuratidzira Zvine Mutsindo


Zinasu
Zinasu

Sangano guru revadzidzi munyika, reZimbabwe National Students’ Union (ZINASU), iro riri kukunda musarudzo dziri kuitwa muzvikoro zvepamusoro soro, rinoti richaratidzira kuitira kuti mari dzemuzvikoro zvepamusoro soro dzidzike pamwe nekuti mitemo inodzvanyirira muzvikoro ibviswe.

Mutauriri weZINASU, VaAvoid Masiraha, vanoti sangano ravo riri kuronga kuratidzira munguva pfupi iri kutevera nekuda kwekukwidzwa kuri kuitwa mari dzechikoro uye pamwe nekutsigira vadzidzi vekuSouth Africa vari kuratidzirawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMasiraha vanoti kana vadzidzi vekuSouth Africa vachiratidzira ivo vaine nyika ine hupfumi huri nani, ivo vadzidzi vemuZimbabwe vanofanirwa kutogara mumigwagwa vachiratidzira sezvo vabereki vavo vari kudzingwa mabasa izvo zviri kuita kuti vatadze kubhadhara mari idzo dziri kukwira nguva nenguva.

VaMasiraha vanoti havakendenge kuti hurumende ingangofunga kuti vari kufurirwa nebato reMDC-T iro rakavimbisa kuratidzirawo munguva pfupi inotevera nekuda kwehupfumi hwaenda kumawere.

VaMasiraha vanga vachitaura mashoko aya mushure mekukunda kwakaita boka ravo musarudzo yevadzidzi yakaitwa paChinhoyi University of Technology (CUT) neChina.

ZINASU yakatora zvigaro zvose zvinosanganisira chasachigaro, munyori mukuru pamwe nemubati wehomwe.

Muzvari Joana Mamombe, avo vakasarudzwa kuva mutevedzeri wasachigaro, vanoti kukundwa kwe Zimbabwe Congress of Students Union (ZICOSU), iyo yaitsigirwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, zvinoratidza kuti Amai Mugabe vakarambwa nevadzidzi munyika.

Sarudzo dzevadzidzi paChinhoyi University of Technology dzakanga dziine mhirizhonga yakawanda zvekuti pakatodaidzwa mapurisa akanga akapakatira pfuti pamwe nembwa kuti vaise runyararo.

XS
SM
MD
LG