Monday, May 20, 2013 Local time: 06:02

Nhau

ZimRights Yoshandisa Mavhidhiyo Kukurudzira Vanhu Kuti Vasaite Mhirizhonga

TEXT SIZE - +
Blessing Zulu

Rimwe remangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, reZimRights neChitatu rakaparura hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga uye kuti vatore zvakadzama mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, ekukurudzira runyararo munyika.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vhidhiyo  yavakaparura, iyo inonzi “Anti Violence Crusade” ichaendeswa kunzvimbo dzose dzinosimboita mhirizhonga.

Vhidhiyo iyi inonzi yakatomboongororwa nemapaurisa vakaibvumidza kuti inge ichiendeswa muvanhu kuti vaione. Izvi zvinotevera kupihwawo chitambi neCensorship Board kwakaitwa sangano ravo.

Mapurisa anosimborambidza vanhu kupa mavhidhiyo ane chekuita nezvekodzero dzevanhu kana zvematongerwo enyika, achiti izvi zvinogona kukurudzira mhirizhonga munyika.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook