Accessibility links

Breaking News

International Crisis Group Inoti Zimbabwe Yonanga kuMawere


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Sangano reInternational Crisis Group, ICG, rinoti Zimbabwe yananga kumawere sezvakaita dzimwe nyika dzakundikana zvachose dzakaita seSomalia nenyaya yehumbimbindoga munyaya dzezvematongwero enyika.

Sangano iri rinoti izvi izviri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Izvi zvabuda mugwaro raburitswa neICG rakanzi Zimbabwe, Waiting for the Future. Gwaro iri rinoti vezvematongerwo enyika vanofanira kuisa zvido zvenyika pamberi kwete zvavo.

Sangano iri rinoti nyaya yekunetsana kwakanyanya muZanu-PF nenyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, avo vakwegura, yave kupa kuti zvinhu zvinyanye kunetsa.

ICG inoti pane kunetsana kwakanyanya pakati pechikwata chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nechiri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, izvo zviri kuita kuti zvinhu zvishate.

Asi sangano iri rinoti kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika kwakaitwa naAmai Grace Mugabe kwave kupa kuti kunetsana nemapisha pisha zvitonyanye mubato reZanu-PF.

Mukuru weICG kuchamhembe kweAfrica, VaPius Pigue, vanoti Amai Mugabe haasi munhu anonyatsoziva tsoro dzezvematongerwo enyika zvopa kuti zvinhu zvinetse.

Sangano iri rinotiwo zviri pachena kuti VaMugabe havachina simba rakawanda, kanawo ruremekedzo rwavaisimbova narwo mubato ravo.

ICG inoti zviri nani kuti pakongiresi yemuna Zvita, veZanu-PF vajekese kuti ndiyani achatsiva VaMugabe pavanosiya chigaro.

ICG inotiwo bato reMDC harichisina rukudzo rwakanyanya kubva kunyika dzakabudirira. Sangano iri rinotiwo mapato anopikisa anofanira kushanda nemasangano akazvimirira kuitira kuti amanikidze hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo uye zvehupfumi.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti vanotenderana nezviri mugwaro iri uye vanoti munyika munoda nhaurirano.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG