Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voita Hurukuro neVakuru veHurumende yeBritain


Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano negurukota rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica nemuCommonwealth muBritain, VaMark Simmons, muLondon ku Britain.

VaTsvangirai vari kushanya kuBritain mushure mekukokwa nesangano ravana chipangamazano, reChatham House, kuti vazeye mamiriro ezvinhu munyika kubva zvaitwa sarudzo dzegore rapera.

VaTsvangirai vari kuperekedzwa nemudzimai wavo Elizabeth.

Mutungamiri weMDC-T anotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvo hupfumi hworamba huchienda kumawere.

Vasimbisa nyaya yekuti munyika muitwe hurukuro nevana veZimbabwe kuitira kuti vagadzirise dambudziko rezvehupfumi sezvo zviri pachena kuti Zanu-PF yakundikana.

VaTsvangirai vari kushorawo mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti hupfumi hwenyika huri kuita zviri nani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG