Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotambirwa Zvine Mutsindo muEpworth


VaTsvangirai vanosangana nevagari vemuEpworth
VaTsvangirai vanosangana nevagari vemuEpworth

Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vatambirwa zvine mutsindo mukati apo vashanyira musha unogara veruzhinji weEpworth.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musha uyu uri kumahombekombe kweHarare kumabvazuva kwakadziva kuchamhembe. VaTsvangirai vaenda kuEpworth kuitira kuti vanozviwonera vega pamhino sefodya magariro ari kuita vanhu ikoko.

VaTsvangirai vatambirwa nemufaro apo vapinda munzvimbo nhatu dzemu Epworth dzinoti Pentagon, Solani pamwe neOverspill uko vanzwa matambudziko ari kusangana nevagari vemunharaunda iyi.

Amai Lilian Maphosa vanogara ku Overspill vanoti chiri kunyanya kunetsa inyaya yepekugara sezvo dzimba zhinji dzakapwanywa nehurumende gore rapera vachiti vamwe vanhu vari kurara panze.

Vanotiwo mamwe matumba ari kugara vanhu ari kuputsika nekunaya kuri kuita mvura mazuvano sezvo matumba aya akavakwa zvisina kusimba sezvo vanhu vari kutya kuti vakashandisa mari yakawanda mukuvaka dzimba vanogona kumuka vapwanyirwa dzimba dzavo nehurumende.

Hurumende inoti dzimba zhinji dziri mu Epworth dzakavakwa zvisiri pamurawu.

Hurumende inoti veruzhinji vanofanira kuvaka dzimba munzvimbo dzakatarwa nemakanzuru kuti ndzidzo dzinovakirwa dzimba.

Mumwe mugari weku Pentagon, Va Shelton Java, vanotiwo hutano hwevanhu vazhinji hwave munjodzi sezvo vanhu vasina pekugara ava vachiitira tsvina pesepese nepamusana pekushaikwa kwezvimbuzi.

Va Java vanotiwo vanhu vazhinji vari kunwa mvura isina kushambidzika yavanochera murukova, Jacha, rwunoerera tsvina inenge yaitwa nevanhu.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vati hurumende inofanira kubuda pachena panyaya yebhodhi rekanzuru yeEpworth kuti riri pasi pekanzuru ye Ruwa here kana kuti ye Harare kuitira kuti pave newekubvunza kana zvinhu zvaita manyama amire nerongo mu Epworth.

Vatiwo chiri kunyanyakunetsa ndechekuti hurumende iripo pari zvino haina hany'a nevanhu vachiti kusamira kwakaita hupfumi munyika pamwe nemagariro evanhu kuri kukonzerwa nehurumende isina hurongwa hwekuvadzudza zvinhu munyika.

Vati bato ravo richatora matanho nekukasika ekubatsira vagari veku Epworth zvikurusei panyaya yekuwaniswa kwemvura yakachena.

Sezvavanowanzogarotaura nguva nenguva, Va Tsvangirai vakurudzira kuti vatsigiri vavo kuti vasaite zvemhirizhonga kunyange vakadenhwa nenhengo dze Zanu PF.

Munzvimbo dzese dzavafamba mu Epworth, Va Tsvangirai vatambirwa nemufaro mukuru nevanotengesa mumisika pamwe nevanhu vanga vari mumigwagwa.

XS
SM
MD
LG