Accessibility links

Breaking News

Vashandi veZimbabwe Agricultural Show Voratidzira


Vashandi vekambani yeZimbabwe Agricultural Socierty iyo inoronga zviratidzwa zvikuru zvekurima munyika, zveHarare Agricultural Show, vatanga kuratidzira pamuzinda wekambani iyi kuShowgrounds muHarare, vachitsutsumwa nekusapihwa bhonasi ravo regore rapera, kudimurirwa kwemari dzavo dzekubatsirikana, pamwe nekuwedzerwa kwenguva dzebasa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi ava vange vachidarika makumi mana vaungana pamuzinda wekambani iyi vachiimba nekunyomba vakuru vebasa vachiti vari kuita huwori pamwe nekuvadzvinyirira

Sachigaro wevashandi, VaFiso Mbano, vanoti zvinorwardza kuti kambani yakangotora danho rekuvanyima bhonasi nekuderedza mari dzavo dzekubatsirikana vasina kana kumbotaura nevashandi.

VaMbano vanotiwo kutanga mwedzi uno kambani yakamira kubhadharira vana vavo mari dzechikoro, uye vave kutenga chikafu icho vaimbopihwa pachena.

Vanotiwo mari dzekubatsirikana mukubhadhara dzimba, kana kuti housing allowance, dzakadimburwa nepakati uye kambani yakavazivisa kuti vanogona kumiswa basa nguva ipi zvayo.

Vati vakuru vekambani iyi vakavaudza kuti zvinhu zviri kunetsa munyika zvekuti kana hurumende iri kunetsekana kubhadhara vashandi vayo nekudaro kambani yavo yakaomerwawo nezvinhu.

Asi vashandi ava vanoti havabvumirane nevakuru vakuru vekambani iyi kuti kambani iyi haina mari vachiti inowana mari nenzira dzakasiyasiyana siyana.

Mumwe mushandi asina kuda kudomwa nezita sezvo achitya kuzodzingwa basa anoti pane mari yakawanda inopinda mukambani apo vaimbi, vedzisvondo, nevemakambani akasiyana siyana vanoshandisa nhandare nedzimba dzakawanda dzekambani iyi dziri paShowground muHarare.

Anoti semuenzaniso kushandisa nhandare yeMain Arena kunopinza madhora zviuru zvipfumbamwe pazuva rimwe chete.

VaMbano vanoti vacharamba vachiratidzira panguva dzahwani masikati zuva rega rega kudzamara zvichemo zvavo zvatambirwa. Vanotiwo izvi zvikaramba vachakwidza nyaya yavo kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutauriri wekambani iyi, Muzvare Heather Madombwe, varamba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi vachiti vakuru vakuru vekambani iyi pamwe nekomiti yevashandi vane nhaurirano dzavari kuita dzakanangana nekugadzirisa zvichemo zvevashandi ava. Kambani iyi ine vashandi makumi manomwe.

Nyaya dzaita seidzi dziri kuwanda munyika sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiipa munyaya dzehupfumi uye makambani akawanda ari kuderedza mari dzinotambirwa nevashandi kana kutotadza kuvabhadhara kwenguva yakareba.

Svondo rapfuura vashandi vekambani yeCAPS Holdings vakavharira vakuru vekambani iyi mumahofisi avo kwemaawa akawanda vachida kubhadharwa mari dzavo dzemihoro idzo vasina kuwana kwemwedzi makumi maviri yapfuura.

XS
SM
MD
LG