Accessibility links

Breaking News

NCA Yonyunyuta kuZBC Ichiti Iri Kutyora Mitemo


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, ranyora tsamba yenyunyuto kunhepfenyuro yeZBC richiti iri kutyora bumbiro remitemo yenyika nekungoburitsa misangano inenge ichiitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanotungamira bazi reWomens League reZanu-PF.

NCA inoti Amai Grace Mugabe vari kushandisawo misangano iyi kunyomba uye kutaura mashoko anogona kukonzera ruvengo munyika.

Bato iri rinotiwo rinoda humbowo hwekuti Amai Grace Mugabe vari kubhadhara mari here yekuti vabude panhepfenyuro.

Asi mumwe mushandi mukuru wekuZBC asina kuda kudomwa nezita ati Amai Mugabe mudzimai wemutungamiri wenyika, nokudaro vanofanira kupihwa mukana wekubuda panhepfenyuro.

Atizve vari kubatsira hurumende nekugovera vanhu matarakita nekudaro hazvisi zvemapato ezvematongerwo enyika.

Asi mapato anopikisa munyika ,kusanganisirawo sangano reSADC, anogara achigunun’una kuti ZBC inonyanya kutsigira Zanu-PF.

Mutauriri weNCA, VaMaddock Chivasa, vanoti ZBC ikasachinja maitiro vachakurudzira vanhu kuti vasabhadhare mari dzemarezinesi.

Hurukuro naVaMaddock Chivasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG