Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoedza Kukwezva Mabhizimisi eKunze


VaObert Mpofu
VaObert Mpofu

Zimbabwe ichishanda nebhanga reAfrican Development Bank, uye vanokweretesa mari muAfrica, iri kuita musangano wekutanga wakanangana nekuumba mushandira pamwe panyaya dzezvehupfumi uye kudzikisa huwandu hwevanhu voziya nenzara.

Musangano wemazuva maviri uyu uri kupera nemusi weChina muHarare uye wakaparurwa zviri pamutemo nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vakati zvakakosha kuita misangano yakadai kuti paite kujekeserana pakati pehurumende nenyanzvi munyaya dzezvehuppfumi.

Mashoko aya atsinhirwawo negurukota rezvegwara rehupfumi, VaObert Mpofu, avo vaudza Studio 7 kuti misangano yakadai iri kubatsira zvakanyanya kuti Zimbabwe ijekesere vekunze kuti yagadzirira kudyidzana navo uye kupindura mibvunzo ingave nevamwe.

VaMpofu vatiwo veInternational Monetary Fund neWorld Bank uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vapinda mumusangano uyu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe yave kuburitsa pachena kuti chirongwa chayo chekutarisa kumabvazuva chete chakundikana.

Hurukuro naDr Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG