Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzakabudira Dzokurudzirwa Kubatsira Nyika Dzichiri Kubudirira


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze dziri kuenderera mberi dzichiita musangano kuParis wekuyedza kubuda nechisungo chekuti pangaitwe sei mukugadzirisa dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze ayo aminama.

Musangano uyu unokokerwa nesangano reUnited Nations, uye uri kuitirwa kuParis, France.

Vachitaura nevatori venhau muParis, mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vati vane chivimbo chekuti vatungamiri venyika vachabuda nezvisungo zvakasimba kunyange vatenda kuti kuita izvi kwakaoma.

Nyika dzakabudirira dzakaita seAmerica neChina hadzisi kuda kutambira chisungo chinozoita kuti dzidzikise zvinhu zvavanogadzira mumaindasitiri.

Nyika dzichiri kubudirira dzinoti dzinoda mari yekuti dzibatsire vanhu vowirwa nedambudziko rekuchinja kwemamiriro ekunze.

Nyika dzinosvika zana nemakumi masere dzakatenda kuti dzidzikise mweya unobuda mumaindasitiri uyo unonzi uri kuvhiringawo mamiriro ekunze.

Nyika dzakabudirira dzinoti dzinoda kubatsira nemari inosvika zana remabhiriyoni emadhora mukurwisa dambudziko iri kusvika mugore ra 2020.

Asi mari iyi ichiri kunetsa kuunganidza.

Mutungamiri wesangano Zimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanoti nyika dzakabudirira dzinofanira kubatsira nyika dziri kubudirira nemari.

Mvura kuZimbabwe haisi kunaya semakore ose izvo zvoomera varimi zvikuru. Zvipfuyo zvakaita semombe zvave kufawo nekushaya mafuro uye mvura.

Hurukuro naVaWonder Chabikwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG