Accessibility links

Breaking News

Grain Millers Association of Zimbabwe Yoyambira Kukwira kweMutengo weChibage


Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe riri kuyambira kuti mitengo yechibage nehupfu ichakwira zvakanyanya mumazuva mashoma anotevera sezvo pasina kunyatsowirirana pakati pesangano iri nehurumende panyaya yekutenga chibage kunze kwenyika.

Sangano iri rinoti harisi kukwanisa kupihwa mvumo negurukota rezvekurima, VaJoseph Made, kuti vatenge chibage kunyika dzakaita seSouth Africa neBrazil.

Sangano iri range richitenga chibage kuZambia asi riri kuti riri kukundikana kuti ripinze chibage kubva kuZambia nekuti marori ekutakura chibage ichi mashoma.

Sangano iri rinotiwo Zambia yamira kutengesa chibage, asi izvi hazvina kujeka nekuti sangano reMillers Association of Zambia chete ndiro rakapa kurudziro iyi kuhurumende.

Asi gurukora rezvekurima munyika iyi, VaGiven Lubinda, vainge vati Zambia ine chibage chakawandisa icho inofanira kutengesa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaLubinda sezvo vadaira nharembozha yavo vati vange vasiri kunzwa zvakanaka.

VaMade havanawo kudaira nhare yavo. Asi gurukota rinoona nezvegwara rehurumende, VaSimon Khaya Moyo, avo vanonzi vakanyorerwa tsamba neGrain Millers Association of Zimbabwe, vati vari pazororo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, havanawo kudaira nharembozha yavo.

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumatura enyika uye pave kuda kuti hurumende igadzirise zviri kunetsa.

Vashorawo VaMade vachiti havasi kuda kutaura navo nezvekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwechibage.

Hurukuro naVaTafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG