Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Mighty Warriors Yokweshana neVasikana Vanotambira Ghana


Zimbabwe Mighty Warriors
Zimbabwe Mighty Warriors

Chikwata chemaMighty Warriors chatarisana nekunyora nhoroondo itsva mumagwaro emitambo ye All Africa Games apo chiri kusangana nemaBlack Queens ekuGhana muRufaro Stadium neSvondo.

MaMighty Warriors anofanira kukunda 1-0 chete kuti vakwanise kubudirira kuenda kumabiko emaAll Africa Games ayo achaitirwa kuCongo Brazaville muna Gunyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yakanwisa chibodzwa chakakosha kunze kwemusha apo yakarohwa 2-1 apo zvikwata zviviri izvi zvakasanga muAccra National Sports Stadium kuGhana.

Kukunda nezvibodzwa zvakawanda kudarika 1-0 kuri kudiwa asi chibodzwa chavakanwisa kuAccra chinoverengwa sezviviri zvikwata izvi zvikapedza zviri mangange 2-2 pazvibodzwa zve agreegate ndokunge kana Zimbabwe yakunda 1-0 muRufaro Stadium.

Izvi zvinosiya Zimbabwe yoenda kumakundano ezvemitambo akakosha aya ayo anoitwa kamwe chete kwapera makore mana..

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaTonderai Matimura, vanoti mamiriro akaita mutambo uyu pari zvino ari kuratidza kuti maMighty Warriors ndiwo ari kukunda,

Mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, tsika, nemagariro, Muzvare Tabetha Kanengoni-Malinga, vakumbira Premier Soccer League kuti imbomisa mutambo uriko musi mumwe chetewo weDynamos neFlame Lilly kuGwanzura Stadium ichiti mutambo uyu unokanganisa vatsigiri venhabvu kuti vauye kuzotsigira maMighty Warriors ayo ari kumirira nyika.

Vakuru vakuru ve Premier Soccer League vari kusangana Chishanu manheru nevanotungamira zvikwata zviviri izvi kuti vaone kuti chikumbiro ichi chinofambiswa sei.

Asi veZimbabwe Football Association vaonawo zvakakosha kuti munhandare muve nechaunga zvekuti vadzikisa mari yepagedhe kusvika pabhora rimwe chete iro vakawanda vanokwanisa kubhadhara kuti vazokuzirira chikwata chenyika ichi.

Muteveri wemaWarriors, VaAndrew Rwodzi, vanoti vari kufara zvikuru nezvaitwa neZifa izvi nekuti munhu wese anokwanisa kubhadhara dhora rimwe chete.

Veruzhinji vatataura navo vari kuti vachange varimo munhandare yeRufaro Stadium kuzokuzirira maMighty Warriors kuti akwanise kudambura Ghana nekuenda kumaAll Africa Games.

VaMatimura vanoti dhora imari shona zvekuti vanenge varimowo muRufaro imomo vachisheedzera kuti Go Mighty Warriors Go.

Asi maMighty Warriors anofanirwa kuyambirwa kuti vasadherere maBlack Queens nekuti gore rapera chikwata cheZimbabwe ichi chakatadza kurova maChipolopolo Queens ekuZambia ndokuita mangange munhandare iyi izvo zvakakonzera kuti vatadze kuenda kumaAfrica Women’s Championships.

Zvakamira zvakadai, mimwe mitambo yePremier Soccer League mune dzimwe nzvimbo musiri muHarare iri kuenderera sezvakatarwa nePSL.

Chikwata chiri pamusoro soro cheTriangle chine mutoro mukuru apo chiri kusangana neCaps United iyo iri kubvirawo moto gore rino.

Kelvin Kaindu avaka chikwata chakasimba zvikuru chemaSugar Sugar Boys zvekuti ari kutarisira kurova Caps United nekuramba vari pamusoro pemakundano aya.

Mukombe wePremier Soccer League wakapedzisira kare kubva muHarare nemuBulawayo asi matambiro eTriangle ari kuratidza kuti zvinhu zvingangosanduka gore rino.

Triangle iri pamusoro nezvibodzwa sezvo yakaenzana mapoinzi gumi neDynamos iyo ine mukombe uyu.

Vatsigiri vemaSugar Sugar Boys vanoti vari kuzadza nhandare yeGibo Stadium vachikuzirira chikwata chavo sezvavaiita apo vakatora mukombe weOne Wallet Cup gora rapera.

Asi vanotevera Caps United vanoti kufara kweTriangle kungangosvika kumagumo svondo rino ndokunge kana vatambi vavo vabhadharwa mari dzavo dzavari kuchema.

Mutsigiri wechikwata ichi, VaTinashe Mutetwa, vanoti vatambi ndavabharwe mari dzavo kuitira kuti vatambe vakafara.

Mutambo weZPC Kariba neDongo Swamills uri kuenderera mberi muHarare neMugovera muGwnazura Stadium sezvo usiri kukangisa mutambo wemaMighty Warriors.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Mugovera

How Mine v Harare City – Luveve Stadium.

FC Platinum v Chicken Inn — Mandava Stadium

Svondo

Highlanders v Chapungu – Barbourfields Stadium

Hwange v Buffaloes – Colliery Ground

Mutambo pakati peHwahwa Prisons neTsholotsho Pirates idzo dzakapinda muPremier Soccer League gore rino ndiwo uchavhara mitambo yePremier Soccer League.

Zvikwata izvi zvinofanira kutanga kukunda nekubva pazviri pari zvino kana zvichida kurarama mumakundano aya gore rino.

XS
SM
MD
LG