Accessibility links

Breaking News

Mutangamiri weZIFA VaCuthbert Dube Vanoti Vave Kusiya Basa


Mutungamiri weZIFA VaCuthbert Dube
Mutungamiri weZIFA VaCuthbert Dube

Mutungamiri wesangano renhabvu re ZIFA vaCuthbert Dube vasiya basa.

VaDube vasivisa nezvedanho iri kuburikidza nemashoko ava buritsa mugwaro ravaisa padandemutande resangano reZIFA neChishanu vachizivisa kuti vave kusiya basa.

Asi vati vacharamba vari panyanga kusvika musi wa 5 Zvita apo pachaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri weZIFA mutsva achatsiva nzvimbo yavo.

VaDube vati izvi zvichapa kuti pasave neburi muhutungamiri pachimirirwa sarudzo yekutsvaga mumwe mutungamiri mutsva muna Zvita.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZIFA VaXolisani Gwesela vanoti boka repamusoro reZIFA Assembly richasangana muHarare mangwana kuti rizeye chikumbiro chaVaDube chekuti VaDube varambe vari pachigaro ivo vati vasiya basa.

VaDube vakasarudzwa semutungamiri weZIFA muna 2010 vakadzoswa zvakare pabasa gore rapera kwemamwe makore mashanu, asi vatsigiri venhabvu vange vari kushungurudzwa nemafambisiro avange vachiita nhabvu munyika.

VaDube vange vachi pomherwa mhosva yekusafambisa zvinhu zvakanaka musangano iri uye vazhinji vange vasingafare nehukama hwavo nemutungamiri weFIFA VaSepp Blatter, avo vari kusiyawo basa muna Zvita mushure mekupomerwa mhosva yehuwori.

VaDube vazivisa kuti zvimwe zvavakaita vari pabasa zvavanodada nazvo chirongwa cheGoal Project icho vakawana rutsigiro kubva kusangano reFIFA kuti vaite, uye vanoti ndivo vega mutungamiri wesangano iri akakwanisa kutanga nekupedza chirongwa chakadayi pasi pehutungamiri hwavo.

VaDube vatendawo mutungamiri wenyika President Robert Mugabe negurukota idzva rezvemitambo VaMakhosini Hlongwane nerutsigiro rwavanopa kuZIFA.

Vati ivo dai pasina rutsigiro urwu chikwata chemaWarriors chingadai chisina kukwanisa kuenda kune mimwe mitambo yekunze kwenyika.

VaDube vatendawozve vatsigiri venhabvu neSangano reSports And Recreation Commission nerutsigiro rwavanopa kuZIFA.

Hurukuro NaVa Xolisani Gwesela - ZIFA
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG