Accessibility links

Breaking News

Zifa Yopihwa US$1m, Asi Vamwe Voshushikana Nazvo


ZIFA HOUSE
ZIFA HOUSE

Vatsigiri venhabvu vazhinji vari kutarisa nemaziso matsvuku kuti chiyi chiri kuitika kusangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, panyaya dzerutsigiro.

Nezuro, Zifa yakati yakanyorerana chibvumirano nemumwe muzvinabhisinesi wechidiki, Va Wicknell Chivayo, chemari inosvika miriyoni imwe chete yemadhora mumakore maviri anotevera.

Asi vamwe vanoti rutsigiro rwakadayi rwunozonetsa mangwana sezvo rwakaitwa pakati pemutangamiri wesangano iri, Va Philip Chiyangwa, namuzvinabhizinesi uyu.

VaChivayo vakazivisa kuti mari yekutanga inosvika $50 000 yakatopihwa Zifa kuti ibhadhare chikwereti chevaimborairidza maWarriors, Va Tom Saintfiet.

Mwedzi unouya vachabhadhara imwe $50 000 neimwe kusvika yapera. Izvi zviri kuitika panguva iyo Zifa iri kunestana nevaimbove murairidzi wechikwata chema Warriors, VaCallisto Pasuwa, avo vanoti havasi kuzobvuma kudzokera pabasa iri kusvika vapihwa mari dzavo neZifa.

Studio7 yakundikana kubata VaChiyangwa na VaChivayo sezvo nhare dzavo dzange dzisingadairwe.

Vaimbotungamirira sangano re Premier Socccer League munguva yapfuura, Va Chris Sambo, vanoti chibvumirano chakaitwa naVaChiyangwa naVaChivayo, hachina kunyatsojeka.

Hurukuro NaVa Chris Sambo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG