Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vocherechedza Zuva Ravo Pasi Rose Vachichema neNzara


Zimbabwe Workers Demonstration
Zimbabwe Workers Demonstration

Panguva iyo pasi rose riri kucherechedza zuva revashandi, kana kuti May Day, vashandi vakawanda, pamwe neveruzhinji vanoti hapana chekupemberera sezvo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere uye vanhu vasisina mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaNigel Phiri murume ane makore makumi mana nemana ekuberekwa. VaPhiri, avo vanogara mumusha weMkoba 1 muGweru, ndemumwe wevashandi vazhinji munyika vakapererwa nebasa mushure mekunge makambani avaishandira avharwa.

VaPhiri, avo vakashandira kambani yeCaridorn kwemakore anopfuura gumi kambani iyi isati yavhara mugore ra2012, vanoti kubvira pavakabuda basa, ivo - sevamwe vashandi vakawanda vasisiri pamabasa - vave kurarama hupenyu hwehwakumukwaku zvekuti zororo rezuva revashandi rangovewo rimwe zuva rakafanana nemamwe ose.

Mudzimami waVaPhiri, Amai Juliet Phiri, vanoti murume wavo paaishanda ivo nemhuri yavo vairarama hupenyu huri nani zvekuti vaingogara zvavo kumba pasina zvakawanda zvavaiita.

Asi nekuda kwekuti murumme wavo paakabuda basa haana kana kuwana tiki, Amai Phiri vanoti hupenyu hwavaomera zvekuti vave kutoita muonera pamwe nemurume wavo kuedza kuraramisa mhuri yavo.

VaFrancis Shoko ndemumwezve mugari wemuMkoba 1. SaVaPhiri, VaShoko vakapererwawo nebasa mushure mekunge kambani yeKariba Battery Manufacturers yavaishandira yavhara.

Kunze kwekuti havanawo kupiwa mari yemudyandigere nekambani yavo payakavhara, hupenyu hwaVaShoko hwave kunyanya kuvaomera nekuti vave nechirwere chemakumbo icho chinovaita kuti vatadze kuita mabasa anorema, izvo zvave kuita kuti vanetseke kuriritira mhuri yavo.

VaCharles Chikozho, vanove Regional Officer weZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, mudunhu reMidlands, vanoti kunyange hazvo sangano ravo risina huwandu hwemakambani akavharwa kana huwandu hwevanhu vakasiiswa mabasa kusvika pari zvino mudunhu reMidlands, pane makambani akawanda akavharwa uye vashandi vakawanda munzvimbo iyi vakarasikirwa nemabasa.

VaChikozho vanoti nekuda kwemamiriro akaita zvinhu, zuva revashandi rave kucherechedzwa mukusuwa kukuru sezvo vashandi vakawanda, pamwe nemhuri dzavo, vari kutambura

Sangano reZCTU rinoti kubva mugore ra2011 kusvika gore rapera vashandi zviuru makumi mashanu, vakarasikirwa nemabasa.

Kune rimwe divi, bazi rehurumende reZimstats rinotiwo vashandi zviuru makumi matatu ndivo vakarasikirwa nemabasa, ukuwo zviuru zvina zvemakambani zvakavharwa panguva imwe chete iyoyo.

Pane kupokana kuripo pakati pehurumende nesangano rinomiririra vashandi pamwe nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamusoro pehuwandu hwevanhu vasiri kushanda munyika.

Nyanzvi idzi dzinoti huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika hunopfuura zvikamu makumi masere kubva muzana.

Asi hurumende inoti huwandu hwevanhu vasina mabasa huri pasi zvikuru nekuda kwekuti vanhu vakawanda vave kuzvishandira pachavo vega.

Pakutanga kwegore rino, sangano reInternational Labour Orgnanisation rakaburitsa kuti huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika huri pasi pezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Asi vanhu vakawanda havatambiri maonero aya. Mumwe weavo vasingatambire ongororo iyi ndiVaKudakwashe Munengiwa vanove national trustee weZimbabwe Urban Councils Workers' Union .

VaMunengiwa vanoti kuti vanhu vanotengesa mumigwagwa vanzi vari pamabasa kuda kusatambira chokwadi chekutambudzika kuri kuita ruzhinji rwevanhu munyika.

VaChikozho vanoti kuti makambani akasiyana-siyana atange kushanda zvakanaka zvakakosha kuti hurumende iite mitemo inokwezva vemabhizimisi vekunze kwenyika kuti vazosima mari yavo muZimbabwe.

VaChikozho vanoshora vamwe vemabhizimisi vekuChina vanouya kuzotanga mabhizmisi muno vachiti vakwanda vavo havaite zvinhu zvavo zviri pachena.

VaTrust Chikohora ndimuzvinabhizimisi uye vari muongorori wezvehupfumi anoshand akazvimirira ega. VaChikohora vanobvumirana nekuti zvakakosha kuti hurumende ikwezve vemabhizimisi vekunze vanosima mari muno.

Asi vanoti zvakakoshawo kuti hurumende igadzirise zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika uye kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika pamwe nemasangano akadai seInternational Monetary Fund pamwe neWorld Bank kuitira kuti chimiro chenyika chive chakanaka, izvo vanoti ndizvo zvingabatsira kugadzirisa kuwondomoka kwehupfumi hwenyika.

Kunyange hazvo hurumende yeZanu PF yakabuda negwaro rinonzi nevamwe rine hwaro hwakanaka hwekumutsurudza hupfumi, vamwe vanoti vashandi vacharamba vachidemba manyakare apo vaive nemabasa, ukuwo veruzhinji vachiramba vachidya nhoko dzezvironda kudzamara hurumende yarongeka mumaitiro ayo.

XS
SM
MD
LG