Accessibility links

Breaking News

Kuoma Kwaita Hupenyu Korwadza Vashandi


Zimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU
Zimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU

Sangano rinomirira zvido zvevashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti zvinhu zviri kuramba zvichiipira vashandi sezvo makambani akawanda ari kuramba achivhara uye mamwe ari kutadza kunyatsoshanda nemazvo.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura kunhengo dzavo pamwe nevatapi venhau pamusangano wekuzivisa mamiriro akaita zvinhu mudunhu reMidlands muGweru nhasi, sachigaro weZCTU mudunhu reMidlands, VaMartin Tazvivinga, vanoti sangano ravo harizi kufara nekuda kwekuti zvinhu zviri kuramba zvichiipira vashandi.

VaTazvivinga vanoti dunhu reMidlands rine zvicherwa zvakasiyana-siyana uye range rine makambani akawanda ane chekuita nezvezvicherwa uyewo
ane chekuita nezvekurima.

Asi vati makambani akawanda ari kuvhara uye mamwe mashoma ari kushanda haazi kunyatsoshanda zvakanaka vakapa muenzaniso wekambani yeDairiboard muGweru iyo vati iri kuda kuzogumura vashandi vayo
munguva pfupi iri kutevera.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vakuru veDairiboard.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti kambani yeDairyboard iri kuda kuendesa vamwe vashandi vayo pamudyandigere muna Kurume.

Vachipindura mubvunzo pamusoro peongororo yakaburitswa nesangano
reInternational Labour Organisation yekuti vanhu zvikamu zvishanu kubva muzana ndivo vasina mabasa muZimbabwe, VaTazvivinga vaudza Studio 7 kuti sangano ravo harina chekuita neongororo iyi uye vanopokana nayo.

VaTazvivinga vashora hurumende vachiti kuda kuvandudza kwairi kuda
kuita mitemo yevashandi nevashandirwi zvakafanana nekudzorera vashandi munguva yehutongi hwehudzvinyiriri.

Hurumende iri kuda kuvandudza mitemo yemabasa kuitira kuti makambani agokwanisa kubhadhara vashandi zvichienderana nekuti makambani aya ari
kushanda pachinhanho chipi.

VaTazvivinga vashorawo vashandirwi vekuChina vari muno pamwe nevechitema vemuno avo vati havatevedzeri mitemo inochengetedza vashandi.

VaTazvivinga vati kunyange hazvo zvakanaka kuti kuve nevanhu vanokwanisa kuita zvemabhizimisi madiki, hazvigone kuti vashandi vese vaite izvi.

Vakurudzira hurumende kuti iwone zvaingaite nekukasika
kuitira kuti ibatsire kumutsurudza makambani akavharwa pamwe nekubatsira ayo ari kutatarika.

XS
SM
MD
LG