Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Okurudzira Vanhu Kugara Kumba neMugovera


VaSimba Makoni (L) naVaMorgan Tsvangirai (R)
VaSimba Makoni (L) naVaMorgan Tsvangirai (R)

Mapato mana makuru anopikisa akurudzira neChishanu veruzhinji munyika kuti vacherechedze zuva rakawana nyika kuzvitonga neMugovera vari kudzimba dzavo achiti haazi kuzopinda mumhemberero dzakarongwa nehurmende yeZanu PF sezvo bato iri richishandisa mukana uyu kunyomba vamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapato aya anoti MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, Mavambo Kusile Dawn, ZAPU neNational Consitutional Assembly anoti zvinosuwisa kuti vammwe vakarwira hondo yerusununguko vave kushungurudza vamwe vavo vechitema.

Vachiverenga mashoko emapato ayo pachiitiko chapindwa naVaTsvangirai nemukuru weMKD VaSimba Makoni, munyori kukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati hapana chekupemberera sesvo vanhu vari kuyaura nenhamo nenzara.

Vatiwo mapato avo azvipira kushanda pamwe chete kuti asunungure vanhu kubva kuhutongi hweZanu PF.

Vakurudzira vanhu kuti vacherechedza zuva iri mudzvimba dzavo sezvo pasina chikonzero chekuenda kumhemberero dzinorongwa neZanu PF mumatunhu akasisyana siyana munyika.

VaTsvangirai vati vaimbosienda kumhemberero idzi apo vaive muhurumende yemubatanidzwa asi vakazowona kuti hazvibatsiri sezvo vainyombwa pamhemberero idzi.

Mutauririri weNCA, VaMaddock Chivasa,vati kutambura kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe zvichenda kunze kwenyika uko zviri kushungurudzwa sezviri kuitika kuSouth Africa pari zvino kunoratidza pachena kuti hurumende haina hanya nezvido zveveruzhinji.

Asi bato ReZanu PF rinoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka munyika uye richaita mhemberero kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare apo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotarisirwa kutaura.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaIgnatius Chombo, vanoti mhemberero idzi dzichaitwa pasi pedingindira rinosimbaradza kubatana, runyararo pamwe nekuzvida seznyika.

Makurukota ematunhu anotarisirwawo kutaura mashoka aVaMugabe mumatunhu ese munyika.

XS
SM
MD
LG