Accessibility links

Breaking News

VaBhasikiti Voruma Nzeve VaMugabe Zviri Kuitwa naAmai Mahofa kuNuanetsi Ranch


bhasikiti
bhasikiti

Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti vanyora tsamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachinyuyuta kuti vakatora chigaro chavo, Amai Shuvai Mahofa, vari kushanda nemumwe muzvinabhizimisi, VaBilly Rautenbach, kuti vabvise vanhu kuNuanetsi Ranch kuitira kuti VaRautenbach vatange bhizimisi rekugadzira mafuta enzimbe panzvimbo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mahofa vakaudza Studio7 svondo rapera kuti mhuri zviuru makumi maviri dzichabviswa kuNuanetsi Ranch dzichiendeswa kumapurazi manomwe akatsvagwa nehurumende.

Asi nzvimbo yakagariswa vanhu patsva iyi yagara iine mutauro nekuti kambani yeDevelopment Trust of Zimbabwe yakavambwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu Joshua Nkomo, avo vakatenga purazi iri.

VaRautenbach vanonzi vakanyorerana pasi chibvumnirano chekushanda nekambani iyi mukuumba kambani ye Zimbabwe Bio Energy.

Asi pange pachikandiranwa makobvu nematete pakati pekambani iyi nehurumende.

Hatina kukwanisa kubata VaRautenbach sezvo munhu adaira nharembozha yavo ati vachazofona. Asi havana kuita izvi pataenda kumhepo.

Amai Mahofa vati vange vari mumusangano. Asi mukuru we Development Trust of Zimbabwe, VaCharles Madonko, vanoti hurumende haineyi neminda iri pasi pekambani yavo, sezvo minda iyi yakatengwa kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG