Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanhukadzi Votenda Kuwana Kuzvitonga


Vanhukadzi vakawanda vanoti kubva mugore ra1980 apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga, hupenyu hwavo huri kuenda huchishanduka nguva nenguva nekuda kwematanho ari kutorwa nehurumende ekuona kuti madzimai nevanhurume vanofanirwa kupihwa mikana yakaenzana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mugari wemuManicaland, Amai Moreblessing Shinya, murairidzi pachikoro chiri kwaMarange. Amai Shinya vanoti vanonzwa kufara nematanho ari kutorwa nehurumende pari zvinho ekuti madzimai ange anewo zvigaro zvepamusoro mune zvematongerwo enyika. Vanoti mikana yaveko mazuvano yakanaka uye yasiyana neemakore apfuura.

Amai Shinya vanoti panguva ino zvinofadza kuona kuti madzimai awandawo muparamende uye nemuzvigaro zvepamusoro muhurumende - kunyange hazvo pachine zvakawanda zvinoda kuitwa.

Muzvare Pamela Chitima vanoshanda nerimwe sangano rakazvimirira, rePeace Building and Development Foundation maMutare.

Muzvare Chitima vanoti nguva yegochanhembe ndiyo yakarashwa nehurumende apo zvaingonzi nzvimbo yemudzimai mumba yokubikira, pamwe neyemusikarudzi.

Muzvare Chitima vanoti vanofara zvikuru nematanho akaiswa ekuti vanasikana vawane dzidzo zvakaenderana nevanakomana izvo zviri kupa kuti pave nevanhukadzi vakawanda vanodzidza muzvikoro zvepamusoro soro.

Muzvare Mandy Kanyemba mugari wemaMutare vachidzidza paZimbabwe Open University. Muzvare Kanyemba vanoti pane zvichakasarira zvinofanirwa kuitwa nehurumende sezvo kuwanira vanasikana, uye madzimai mikana muzvikoro nemumabasa zvisiri izvo zvega zvinokwaniswa kuitwa mukusimbaradza mudzimai wanhasi, kana mwanasikana wanhasi.

Muzvare Kanyemba vanoti chinodiwa kuti madzimai akwanda ange ari pazvigaro zvepamusoro zvinobuda nesungawirirano, uye zvigaro izvi vanofanirwa kuzviwana nehunyanzvi, kwete zvekuitirwa tsvete.

Muzvare Perpetual Guwila vanoshanda nesangano re-Zimbabwe National Chamber of Commerce maMutare.

Muzvare Guwila vanoti mikana inonzi iripo yacho yekuti madzimai anowana haisi kunyatsobuda nemazvo.

Vanoti madzimai akawanda ari kunyanya kuwanikwa mumabasa anoita basa repasi pasi. Vanoti izvi zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti mabasa akawanda epamusoro, ange achitorwawo nevanhukadzi.

Mumwe mugari wemuChikanga maMutare, Amai Tarisai Machipanda, vanoti kunyange hazvo hurumende iri kuedza kusimudzira madzimai, mamwe maitiro uye matauriro anoitwa nevamwe vakuru vari muhurumende, kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, anozvidza vanhukadzi izvo zvinovagumburisa.

Amai Machipanda vanoti hurongwa hwekusumudzira madzimai hunofanirwa kuoneka mukuita zvese nemukutaura kwevakuru vemuhurumende kuitira kuti vanhukadzi, avo vakashanda zvakasimba munguva yehondo, vave neramangwana rakanaka munyaya dzose dzehupenyu.

Kudzamara izvi zvaitika, vanhukadzi vakawanda vacharamba vachichema muhondo yavo yekuti varemekedzwewo munyaya dzose dzinobata nyika nehupenyu, sezviri kuitika kuvanhurume.

XS
SM
MD
LG