Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inosangana neChikwata cheWorld Bank Chiri Munyika


Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe sVaRaymond Majongwe. (Photo PTUZ)
Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe sVaRaymond Majongwe. (Photo PTUZ)

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti rakaita musangano neChina nechikwata chenyanzvi dzekuWorld Bank dziri kushanya muZimbabwe vachizeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo munyika.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti kunyange hazvo sangano ravo ringave nezvimwewo zvarinopokana nazvo neWorld Bank, zvakakosha kuti vadyidzane nayo.

Vanoti World Bank ine zvirongwa zvekubatsira hurumende munyaya dzedzidzo pasi pechirongwa cheTechnical Assistance Programme, apo dzidzo iri chimwe chezvirongwa zviri kutariswa.

Chikwata cheWorld Bank ichi chinonzi changa chichitungamirwa naVaAndrew Burke.

VaMajongwe vanoti vaudza chikwata ichi kuti hurumende haifanirwe kupindira muchirongwa chekutsvaga varairidzi che Teacher Profession Council.

Vatiwo vanovimba kuti hurumende ichatambirawo kurudziro dzavapa kuchikwata ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG