Friday, October 31, 2014 Local time: 05:30

Nhau / Africa

Kanzuru yeHarare Inoti Easipark Haina Masimba eKudzinga Vashandi

HarareHarare
x
Harare
Harare
Irwin Chifera
Kanzuru yeHarare inoti  kambani yeEasipark, iyo inove mubatanidzwa wekambani yeEasihold yekuSouth Africa nekanzuru yeHarare, inofanira kudzosera pabasa vashandi vayo makumi mana vayakadzinga basa neChitatu sezvo kudzingwa kwevanhu ava kwange kusiri pamutemo.

Mutevedzeri  wameya veHarare, VaEmmanuel Chiroto,  vanoti kanzuru yavo yatuma munyori wayo, VaTendai Mahachi, kuti vaudze vakuru veEasipark  kuti vadzore vashandi  vese pamabasa avo sezvo kanzuru isingabvumirane nemadzingirwo ava kaitwa.

VaChiroto vanoti  kanzuru inotarisira kuti vashandi ava vange vave pabasa neChishanu.

Asi vashandi vekambani iyi vanoti vari kuda kuti vakuru veEasipark,  avo vanobva kuSouth Africa, uye vachitungamirirwa naVaPagias Dube, vasiye basa sezvo vari kudzvinyirira vashandi.

Mukuru wevashandi vekambani iyi, VaJason Kautsa, vati kana vamwe vavo vakasadzorwa kubasa neChishanu, vacharatidzira munzvimbo dzavanoshandira pamwe nekukurudzira vagari vemuHarare  kuti varege kubhadhara mari munzvimbo dzese dzeEasipark.

Munyori wekomiti yevashandi, Amai Patience Chivavaya, vanotiwo kunze kwekudzingwa basa, vashandi vari kubatwa chibharo sezvo kambani iyi iri kutyora mitemo  nekuti munhu akaita nhumbu, anobva adzingwa basa.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare inoti yatotanga kambani yayo ichange ichiita basa rekuchengetedza motokari sezvo hukama hwayo neEasihold husiri kufamba zvakanaka.

Kanzuru inoti haisi kuwana mari yainofanira kuwana kubva kuEasipark uye yakatoita chisungo chekugura hukama hwayo. Nyaya iyi yave kumatare.

Zvinofungidzirwa kuti kambani yeEasipark iri kuwana mari inodarika zviuru mazana mashanu zvemadhora pagore asi  kanzuru inoti haina chairi kuwana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi re Easipark.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Dzimwe Nhengo dzeZanu PF Dzinoratidzira Dzichitsigira Amai Mugabe

Zvinhu zvinonzi zvaita manyama amire nerongo mubato reZanu PF zvichitevera kuratidzira kwaitwa nenhengo dzebao iri muHarare. Onai zvimwe

South Africa Yobvuma Kuferefeta Vatyori veKodzero muZimbabwe?

Hurumende yemuSouth Africa inoti ichatevedza mutongo waturwa neChina nedare repamusoro soro wekuti mapurisa emunyika iyi pamwe nevachuchisi vehurumende vanosungirwa nemutemo wenyika kuferefeta mhosva dziri kupomerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe. Onai zvimwe

Mash Central Yobvunza VaMugabe Chavakanyararira Mudzimai Wavo Achituka Amai Mujuru

Vamwe vatsigiri ve Zanu PF mudunhu re Mashonaland Central vanoti havasi kufara nekunyarara kwakaita mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushoropodzwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru naAmai Grace Mugabe. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook