Wednesday, September 17, 2014 Local time: 03:29

Nhau / Africa

Vanhukadzi Votsigira Gwaro reBumbiro Idzva paReferendamu

x
Sylvia Manika
Madzimai ane mukurumbira mukurwira kodzero dzevanhu akasangana neChina manheru muchirongwa chekucherechedza nhoroondo yevanhu vatema muAmerica akakurudzira vanhu kuti vatsigire gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pareferendamu ichaitwa mwedzi unouya.

Vachitaura pamusangano uyu, mumwe wevanhu vakarwira rusununguko, uye vakambotungamira bato reZimbabwe Union of Democrats, Amai Margaret Dongo, vakati zvakakosha kuti vanhu vatambire bumbiro idzva senzira yekufambisa zvinhu mberi munyika.

Amai Dongo, avo vakambenge vari nhengo yeparamende vachimirira Zanu PF vasati vava munhu anozvimirira, vakati makakatanwa ari muhurumende yemubatanidzwa anopedzwa nekuva nehurumende imwe chete, ichasarudzwa mushure mereferendamu.

Amai Dongo vakati wokunyange hazvo gwaro rebumbiro idzva riri kushorwa zvakanyanya, vanhu vanofanirwa kuziva kuti mumwe mukana wekunyora rimwe bumbiro idzva hauuye zvakare nyore nyore.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Netsai Mushonga veWomen’s Coalition of Zimbabwe, vakakurudzirawo vanhukadzi kuti vatambire gwaro iri sezvo richiremekedza kodzero dzavo kudarika riripo pari zvino.

Mukuru we Women of Zimbabwe Arise, Amai Jenni Williams, vakatiwo vanhu havafanirwe kurasikirwa nemukana uyu sezvavakaita muna 2000.

Amai Williams vakatiwo vachapa madzimai mukana wekunyatsonzwisisa kuti zvakakosha sei kuti vabvume kana kuramba kutambira bumbiro iri pareferendamu. Vakati havadi kuita zvakaitika apo vanhu vaikurudzirwa kusatsigira gwaro rebumbiro mureferendamu yemu 2000 pasina zvavaiziva zvaiva mugwaro iri.

Musangano uyu wakarongwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe senzira yekurangira kurwira kodzero kwakaitwa nevatema vekuAmerica vakaita sa Amai Rosa Parks avo vakaramba kudzvanyirirwa kwevatema vaisungirwa kusimukira vachena mumabhazi nemuzvitima.

Amai Rosa Parks nevamwe vatema vakaita samuchakabvu Martin Luther King Junior vakashandisa nzira dzisina mhirizhonga mukati mukurwira kodzero dzevanhu vose.

You May Like

Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola

Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola. Onai zvimwe

Hurumende Yoparura Chirongwa Chekudzivirira Vanasikana Chirwere cheGomarara

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti riri kutambira nemufaro chirongwa che hurumende chakaparurwa nezuro chekubaya vanasikana vane makore gumi nhomba yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Apex Council Yozeya neChitatu Matambudziko eVashandi veHurumende

Sangano rinomirira masangano ose evashandi vehurumende, reApex Council, riri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChitatu kuti rizeye zvinyunyuto nezvishuviro zviri kubata vashandi vehurumende mukushanda kwavo Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook