Accessibility links

Breaking News

Musangano weWomen of Dominion International Unobata Moyo Vakawanda


Women of Dominion International Conference
Women of Dominion International Conference

Madzimai echiKristu eku Zimbabwe anogara muAmerica akaungana mukupera kwesvondo pamusangano mukuru wekukurudzira musiki vachitenda kuti vari kuitirwa nyasha uye vachikurudzirana sevanhu vari kure nekumusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu waive uzere nekunamata, kuyanana nekuimba dzimbo mururimi rwamai, sezvavaiita vari kumusha.

Gungano iri rakaitirwa muguta reCincinnati, kuOhio, uye rakapindwa nevanhu vanodarika mazana maviri.

Musangano uyu dzewechina wepagore wesangano reWomen of Dominion International.

Kune vanobva kuZimbabwe vave kugara muAmerica, zvakadai zvinowanzoitika pandufu kana pamichato.

Madzimai ekuZimbabwe akabva munzvimbo dzakatsaukana muAmerica achipinda mumusangano wemazuva matatu uyu.

Musangano uyu wakaunganidza vanhu vakauya vakaremerwa vakavinga kuzoturura mitoro nekusimudzirana pamweya.

Mufundisikadzi Pastor Catherine Marurama, avo vanogara ku Dallas, Texas, vakafarirwa neshumiro yavo yekureurura kwavakaita vachiti kunyange vari mufundisi, naivowo havazi mutsvene, vanotodawo nyasha dzaMwari.

Kwakava neshumiro nekukumbira nyasha kwevanhu vakawanda, vachitaura nezviri kuitika muhupenyu hwavo, vazhinji vachitambira nemufaro dingindira remusangano wegore rino, rinoti “Ebenezer" Ishe matisvitsa patiri.

Vazhinji vakaenda kumusangano uyu nemabhazi, vamwe vachityaira motokari dzavo, vamwe nendege, vaine mhuri dzavo, hama neshamwari.

Madzimai aya vaingoti kunyange vabva zvavo kure, zvanga zvakakosha kuti vavepowo pamusangano uyu sezvo wakava komborera zvikuru.

Mbuya Masakadza, avo vakabva kuZimbabwe vachishanyira mwanasikana wavo, vakapindawo mumusangano uyu. Mbuya Masakadza vakati vanofara kuti mwana wavo haana kurasika, uye ane hama dzake dzaanosimudzirana nadzo nekushumirana munguva dzakawoma muna Mwari wavo.

Vamwewo vakange vari pamusangano uyu vakabva kuZimbabwe, South Africa, nedzimwe nyika.

Amai Dollen Chakona vanoti vakabva kuSouth Africa vachivinga musangano uyu.

Vanhu vekuZimbabwe vave kugara kune dzimwe nyika vanokoshesa makungano akadai vachiti anovadzora ndangariro dzekuchengetedza tsika nemagariro avo, vachishumirana, kuyanana, kupana mazano, vachiimba nekudya kudya kwekumusha.

XS
SM
MD
LG