Accessibility links

Breaking News

Pasuwa Anoendesa Zimbabwe Warriors kuMakwikwi 2016 eAfrica Nations Championships


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Murairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors, Kaslisto Pasuwa, awedzera rimwe gwaro munhoroondo yekubudirira kwake mumutambo wenhabvu zvichitevera kubudirira kwakaita Zimbabwe kuenda kumakwikwi e 2016 Africa Nations Champions.

Pasuwa akwanisa kuendesa chikwata chemaWarriors kumakundano e 2016 Africa Nations Championships, kwapera mwedzi miviri chete apo akaita mukurumbira wekuendesa chikwata chevechidiki chemaYoung Warriors kumakundano emaAfrica Games ayo akaitirwa kuCongo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvauya mushure mekunge chibodzwa chakabva kuna Roderick Mutuma chakasiya Zimbabwe yaita mangange 1-1 neLesotho ndokubudirira kuenda kuma Africa Nations Championships kuRwanda mushure mekukunda Lesotho 4-2 kubva mumitambo miviri.

Zimbabwe yakakunda 3-1 mumutambo wekutanga wakatambirwa kuBarbourfields Stadium apo Mutuma akanwisa zvibodzwa zviviri.

Pasuwa anozivikanwa zvekare nekuita mukurumbira wekuve murairidzi wekutanga muZimbabwe kutora mukombe weligi kana kakateverana izvo akaita neDynamos muna 2011, 2012, 2013 na 2014.

Muteveri wemaWarriors, VaMunashe Muzvidziwa, vanoti Zimbabwe ine rombo rakanaka kuve nemurairidzi anenge Pasuwa vachiti ivo vanotungamira nhabvu vanofanira kugadzirisa nyaya dzemari yake yemuhoro.

Pakapedzisira kuenda maWarriors kumaAfrica Nations Championships kuSouth Africa muna 2014, Zimbabwe yakapedza iri pachinhanho chechina asi mutungamiri wevatamb,i Danny Phiri, anoti vari kutarisira kudarika apa nokutora mukombe uyu.

Asi Phiri anoti izvi zvinokwanisa kuitika chete kana veZimbabwe Football Association vakavapa nguva vari pamwe chete mugadziriro yavo yekumakundano achaunganidza zvikwata gumi nezvitanhatu zvinorura muAfrica.

Muongorori wezvemitambo, VaFarai Kambamura, vanotenderana nazvo vachiti ivo maWarriors anofanira kupihwa kana mwedzi wese vari vese mukugadzirira makwikwi aya sezvo mitambo munyika yave kusvika mukupera.

Makundano eAfrica Nations Championships ndeevatambi vanotambira zvikwata zvemunyika mavo chete.

Kukunda kwemaWarriors kwauya kwapera svondo rimwe chete mushure mekunge maMighty Warriors akabudirira kuenda kumaOlympic Games varova Cameroon..

Asi mumusha maPasuwa meDynamos hamuna mufaro mushure mekunge chikwata ichi chakaita mangange 1-1 neFlame Lilly izvo zvasiya vazhinji vanotevera chikwata ichi vachiti pavo mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League papera.

Asi mufaro uri mumusha meTsholotsho Pirates mushure mekunge chikwata ichi ckarova Whawha 1-0 ndokubuda pachinzvimbo chinopisa chekuenda pasi pasi muDivision One.

Chinzvimbo chavaive vari chegumi nenhatu chatorwa neBuffaloes iyo yakadamburwawo 1-0 neHwange pamusha payo ndokusiyawo Hwange yacho ichikwira kusvika pachinhanho chechitanhatu icho chaimbove neHarare City iyo yakaita mangange 2-2 neHow Mine.

Asi murairidzi weHarare City, Taurayi Mangiwro, anoti mangange aya haasi kukanganisa gadziriro yavo yeChibuku Super Cup final apo vari kutamba neDynamos neMugovera.

Sunday Chidzambwa ari kuenderera mberi nekukunda apo chikwata chake cheZPC Kariba chakanobanda Dongo Sawmills 4-1 ndokukwira muhurongwa hwezvikwata kusvika pachinhanho chechipfumbamwe.

Asi mashoko atiri kunzwa ari kuti Chidzambwa wacho angangosiya basa kuchikwata ichi sezvo ari kudiwa kuDynamos iyo yakamupa mukurumbira semutambi pamwe semurairidzi..

Vatungamiri vechikwata ichi vanonzi vakaita musangano wechimbi chimbi mushure mekunge vaita mangange neFlame Lilly apo zita raChidzambwa rakasimudzirwa.

XS
SM
MD
LG