Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotamba neLesotho neSvondo


zimbabwe warriors
zimbabwe warriors

Vemhuri yenhabvu muZimbabwe vanoti chikwata chema Warriors chiri kubudirira kuenda kumaAfrica Nations Championships apo chichatamba ne Lesotho neSvondo.

Chikwata ichi chiri kutungamira 3-1 apo vari kusangana neLesotho iyo inodaidzwa nezita remudunhurirwa rekuti Ngwena kana kuti Crocodiles muchirungu apo vari kusangana muMaseru neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvibodzwa zviviri zvakanwiswa naRoderick Mutuma nechimwe chete chakabva kuna Danny Phiri zviri kupa veruzhinji pfungwa dzekuti maWarriors akatokunda kare uyezve atove munzira yekuenda kumaAfrica Nations Championships ayo ari kuitirwa kuRwanda gore rinouya.

Muteveri wemaWarriors, VaZivanai Muroyiwa, vanoti Zimbabwe haimise tuzvikwata tudiki twakaita seLesotho zvekuti vari kutarisira kuti maWarriors ari kukunda zvekare mumutambo wechipiri uyezve uri wekugumisira munzira yekuenda keEast Africa.

VaMuroyiwa vanoti Zimbabwe yatoveko kuRwanda uko kuchaungana zvikwata gumi nezvitanhatu zvinorura mumutambo wenhabvu muAfrica.

Muongorori wezvemitambo, VaAndrew Rwodzi, vanotenderana naVaMuroyiwa vachiti ivo zvibodzwa zvakanwiswa neZimbabwe pamusha zviri kuratidza kuti maWarriors aveko kugungano remhizha yenhabvu muAfrica iyi.

Asi Mutungamiri wevatambi vemaWarriors, Danny Phiri, haasi kutarisa zveLesotho asi kumafainari kuRwanda muna Ndira gore rinouya.

Zvamira zvakadai, vePremier Soccer League varonga mitambo mishanu mukupera kwesvondo kunyange hazvo vamwe vatambi vezvikwata zviri kutamba vari munzira kuenda kuMaseru nemaWarriors.

Chikwata chiri kutungamira cheChicken Inn hachisi kupinda munhandare kusvika neChitatu apo chiri kusangana nechikwata chiri kubaka moto cheFC Platinum.

Asi mutambo mukuru uriko mukupera kwesvondo ndeuyo uri kuLarfage Stadium kuMabvuku uko chikwata chiri kurwira kuramba chiri muPremier Soccer League cheFlame Lilly chiri kusangana neDynamos iyo iri kune rimwe rutivi iri kurwira kutora mukombe.

Dynamos ikakundwa kana kuita mangange mumutambo uyu, inenge yakundikana muhondo yavo yakutora mukombe kwemakore mashanu akateverana.

Mimwe mitambo yakamira seizvi.

Tsholotsho Pirates v Whawha

Harare City v How Mine

Buffaloes v Hwange

Chikwata cheZimbabwe Cricket chatarisana nenguva yakaoma apo chiri kutamba neAfghanistan mumutambo wekugumisira.

Zvikwata zviviri izvi zviri mangange 2-2 mushure memitambo mina izvo zvanga zvisingatarisirwe sezvo Afghanistan isina mbiri mumutambo uyu.

Kukundwa kweZimbabwe mumutambo wekugumisira mangwana kunoshoresa nyika zvekuti Zimbabwe inofanira kukunda kunyange zvikaoma sei.

XS
SM
MD
LG