Accessibility links

Breaking News

Mufaro Mukuru muZimbabwe Zvichitevera Kukundwa 2-0 kweComoros neSvondo


zimbabwe warriors
zimbabwe warriors

Vatsigiri venhabvu vari kufara zvikuru zvichitevera kukunda kwakaita chikwata chemaWarriors Comoros 2-0 muRufaro Stadium mumakwikwi ekuenda kuma2016 Africa Nations Championships.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo Zimbabwe isina kutamba zvaitarisirwa, nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaDanmore Mushambadope, vanoti kukunda kwavakaita zvichitevera zvibodzwa zviviri zvakabva kuna Evans Rusike naMarshall Mudewe, kunofadza nokuti pava nenguva yakareba maWarriors achingorohwa.

Asi muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaLovemore Matambanadzo, vanopokana neveruzhinji vachiti ivo mumaonero avo Zimbabwe yakatamba zvinodakadza.

VaStanford Matikinye avo vanove nhengo yerimwe boka revateveri vemaWarriors, reWarriors Fan Club, vanoti murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, ari kuziva zvaari kuita nekupa mukana kune vechidiki.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvekare mumutambo wekugumisira masvondo maviri ari kutevera kuComoros.

VaMatambanadzo vanoti vari kuona Comoros ichidamburwa zvakaoma.

MaWarriors akakunda Comoros ari kusangana nechikwata chichakunda pakati peBotswana neLesotho.

Zvikwata zviviri izvi zvakaita mangange 0-0 apo zvakasangana mumaMaseru neSvondo.

MaWarriors ari kutarisira kubudirira kuenda kechitatu kakateverana kumakundano eAfrica Nations Championships kubvira makwikwi aya avambwa muna 2009.

Makwikwi aya anopindwa nevatambi vanotambira zvikwata zvavo munyika dzavo, kwete avo vanotambira kunze kwenyika dzavo.

Makwikwi e2016 Africa Nations achaitirwa kuRwanda.

XS
SM
MD
LG