Accessibility links

Breaking News

Mighty Warriors Yofarirwa Zvine Mutsindo Zvichitevera Kukunda Kwayo Cameroon


Chikwata che Zimbabwe Mighty Warriors chanyora nhoroondo itsva munyaya dzemitambo yenhabvu muZimbabwe zvichitevera kubudirira kwakaita chikwata ichi kuenda kumakundano ema Olympic Games gore rinouya.

Iyi ndiyo mhemberero yaive muRufaro Stadium neSvondo mushure mekunge chikwata chemaMighty Warriors charova Cameroon 1-0, ndokubudirira kuenda kumakundano makuru emitambo pasi rose emaOlympic Games ku Rio de Janeiro, Brazil.

Mhemberero iyi ichiri kuenderera mberi mushure mekunge chibodzwa chakabva kuna Rudo Neshamba chakapa maMighty Warriors kukunda nechibodzwa chavakanwisa kuYaounde mushure mekunge zvikwata zviviri izvi zvaita mangange 2-2 mushure memitambo miviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yakakwanisa kubudirira ne superior goal aggregate, iyo inopa kuti chibodzwa chakanwiswa kunze kwenyika chipetwe kaviri.

Mutungamiri wevatambi vemaMighty Warriors, Felistus Muzongoni, anoti vari kufara zvikuru nezvavakaita achiti iye muhupenyu hwake haambokanganwa chiitiko chakadai.

MaMighty Warriors akaita izvi pamberi pemhomho yevanhu vaisanganisa gurukota rezvemitambo, VaMakhosini Hlongwane, avo vakati vanasikana ava vashandura nhoroondo yemitambo muZimbabwe iyo yanga ichizikanwa nekukundikana.

Mukuru wekumahofisi eZifa, VaJonathan Mashingaidze, vanoti kunyange havo sangano ravo riine matambudziko emari, vachagara pasi kuti vaone kuti vangafadze sei vanasikana vakaita mashiripiti aya.

Asi VaHlongwane vanoti vachataura nevamwe vavo muhurumende kuti vaone kuti vangaitire chii vanasikana vasimudzira mureza weZimbabwe pamwe nechamhembe yese yeAfrica,

Muzongoni ari kukumbira vemakambani nevanotungamira mitambo kuti vavabatsire mugadziriro yavo yekumaOlympic Games kuti vakwanise kunokunda apo vachanosangana nezvikwata zvinorura pasi rose.

Panguva imwe cheteyo, kwakave nekupemberera kuBabourfields Stadium apo chikwata chenyika chevanhurume chemaWarriors chakarova Lesotho 3-1 mumakundano e2016 Africa Nations Championships.

Zvibodzwa zviviri kubva kuna Roderick Mutuma nechimwe kubva kuna Danny Phiri zvakapa maWarrriors mufaro pamberi pemhomho zvekare yaive munhandare iyi.

Asi hakuna mhemberero mumutambo wekiriketi mushure mekunge chikwata chemaChevrons neSvondo charohwa nemaranzi makumi mashanu nemasere mumutambo wechipiri wezuva rimwe neAfganistan.

Zvikwata izvi zvave mangange 1-1 mumitambo miviri yavatamba.

Kwasara mitambo mitatu kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

Asi nyaya iri kungotaurwa nezvayo muZimbabwe ndeye kubudirira kwemaMighty Warriors kuenda kuma 2016 Olympic Games.

XS
SM
MD
LG