Saturday, November 01, 2014 Local time: 08:50

Nhau / Africa

VaMudede Voita Rusarura paVatori veNhau

x
Irwin Chifera
Masangano evatori venhau munyika anoshora mabharani mukuru wenyika, Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, nekudzingwa kwavakaita mutori wenhau weDaily News, Ndakaziva Majaka, pamusangano wavakaita nevatori venhau neChina kumahofisi avo muHarare.

VaMudede  vakadzinga  Majaka vachiti vainge vasingade kutaura nevatori venhau vanobva kumakambani akazvimirira vachiti vaida vatori venhau vekumakambani ehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation neZimbabwe Newspapers.

Pamusangano uyu, VaMudede vakanyomba masangano anoshanda akazvimirira ega, vatori venhau vanoshandira makambani anoshanda akazvimirira. VaMudede vakatiwo nyika ine vanhu mamiriyoni mashanu nechidimbu evanhu vakanyoresa kuvhota musarudzo.   Vakatiwo vari mushishi yekunatsurudza gwaro revavhoti kana kuti voters’roll.

Asi masangano evatori venhau ashora kuita kwavamudede achiti vatapi vanhau vose vanofanira kupihwa mukana wenyora nhau dzese dzine chekuita nenyika zvikuru sei sarudzo.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vashora VaMudede vachiti  maitiro avo anonyadzisa.

Sachigaro wekomiti yeMedia Institute of Southern Africa –Zimbabwe, VaStanley Kwenda, vanoti vakatyamadzwa  zvikuru nemaitiro aVaMudede uye vanotarisira kuti  Zimbabwe Media Commission ichaongororora nyaya iyi.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatiwo  kana VaMudede vachiita basa ravo nemazvo, vanofanira kurega vatori venhau kubva kumasangano ese vachinyora kana kutepfenyura zvinoitika mumahofisi avo.

VaMudzengi vatiwo kudzinga kwavakaita mutori wenhau pamusangano wavo kunoratidza kuti  vainge vasingataure zvinhu zvinobatsira nyika, asi zvekutsigira reZanu PF.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute,  avo vaimbove mutapi wenhau weDaily News, uye vakamboburana naVaMudede muna 2002, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti aya ndiwo maitiro aVa Mudede uye ivo vakatombodzingwa mumusangano wevatori venhau mushure mekunge vapikisa VaMudede.

Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo gore rinouya uye sangano raVaRuhahanya rakaburitsa gwaro neChina rekuti nyika haigoni kuita sarudzo dzakachena kana vashandi veZimbabwe Electoral Commission nevanhu vakaita saVaMudede vakaramba vari pamabasa avo.

Bazi raVaMudede ndiro rinonyoresa vanhu vese vanovhota munyika, kunyange hazvo basa iri rakanzi riitwe neZimbabwe Electoral Commission.

You May Like

Vazhinji kuMash West Votsigira Amai Mujuru

Nhengo dzakawanda dzebato reZanu PF mudunhu reMashonaland West dzinoti metevedzeri webato ravo, Amai Joice Mujuru, havafanirwe kuramwa basa ravo nepamusana pezviri kuitika mubato iri. Onai zvimwe

Hurumende Inoti Vekunze Vanogona Kubatsira Nhepfenyuro

Hurumende inoti vedzinhepfenyuro vave kukwanisa kuwana rutsigiro rwemari kubva kunze kwenyika asi izvi zvinoitikika chete kana vachinge vapihwa mvumo nehurumende mushure mekuongorora zvinangwa zveavo vanenge vachipa rubatsiro rwacho. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook