Monday, March 30, 2015 Local time: 03:03

Nhau / Africa

Makurukota Okandirana Makobvu neMatete VaMugabe naVaTsvangirai Vakatarisa

x
Blessing Zulu
Mudare remakurukota munonzi makandiranwa makobvu nematete apo mange muchizeyiwa nyaya yekupisirwa mumba kwaChristpowers Simbarashe Maisiri kuHeadlands.

Christpowers mwana waVaShephered Maisiri, mutevedzeri wemunyori anoona nezvemabasa muMDC-T kuHeadlands. 

Vane ruzivo nezvaitika vanoti gurukota muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJameson Timba, vanonzi ndivo vakanda nhau yerufu rwaChristpowers mudariro vachishora zvikuru nyaya yemhirizhonga.  

VaTimba vanonzi vatsigirwa nemakurukota akawanda eMDC-T kusanganisira munyori mukuru mubato iri, VaTendai Biti. Makurukota eMDC-T ange achipopotera gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaDidymus  Mutasa, vanova mumiriri wenzvimbo iyi vachiti ndivo vanofamba vachikurudzira mhirizhonga.

VaMutasa vakatsamwisa nhengo dzeMDC-T nemashoko avo ekuti VaMaisiri vaive mutsigiri weZanu-PF. VaMutasa vanonzi vadyawo magaka neminzwa yawo vachiti havanei nechekuita nezverufu urwu.

Zvinonzi VaMugabe vangosara vati kanha nekukandirana makobvu nematete kwange kuchiitika pakati penhengo dzedare remakurukota.

Dare iri rinonzi ratora nguva yakareba zvikuru vanhu vachitukana nekunyombana.

Papera dare iri VaTsvangirai vanonzi vati kuna VaMugabe vaende vose kunoviga mwana uyu neChina, asi VaMugabe vati havakwanise.

MDC-T yazivisa kuti VaTsvangirai ndivo vachatungamira pakuvigwa kwaChristpowers nemusi weChina.

Mutumbi waChistpowers unonzi wange uchivhenekwa navanamazvikokota kuParirenyatwa kuitira kuti paonekwe kuti chii chakamuuraya. 

Studio 7 yayedza kubata VaMutasa asi havana kudavira nhare yavo. 

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaSanderson Makombe, mumwe wevakapona nepasaka reshumba  apo mota yavaifamba nayo yakapiswa nevanofungidzirwa kuti vasori muna 2000, vanhu vaviri vakafa muchiitiko ichi vanoti hapana zvinobatsira kutaura kana vari kuponda vanhu vasiri kusungwa.

You May Like

Vatori veNhau Vodyira Econet Marasha

Vatori venhau vamuka chibhebhenenga neChishanu vakarambidza gweta reEconet, VaTawanda Nyambirai, pamwe nevakasanobata chinzvimbo chemukuru webhanga reSteward, VaLance Mambondiani, kuti vataure pamusoro pekusechwa kwakaitwa sangano renhau reThe Source neChina. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Vagari Voramba Kutambira Chirongwa Chekubhadhara Mvura Vasati Vaishandisa

Masangano anomirira vagari vemu Harare abatana nemamwe masangano anomirira vashandi pamwe nevechidiki kuramba hurongwa hwekanzuru ye Harare hwekuti veruzhinji vatange vabhadhara mvura vasati vaishandisa. Onai zvimwe

Charles Manyuchi Orwisana naDavid Avanesyan wekuRussia neMugovera

Mutambi wemuZimbabwe uyo anorwira kuZambia, Charles Manyuchi, ari kupinda munhandare yeGovernment Complex muLusaka, Zambia, neMugovera achidzivirira mukombe wake weWorld Boxing Council International wehuremu hwe welterweight. Onai zvimwe

Zvikwata Zvokweshana Mugovera neSvondo Maziso Ari paTsholotsho

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda munharaunda yechipiri panguva imwecheteyo Charles Manyuchi ari kupinda munhandare achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Council. Onai zvimwe
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

Facebook