Tuesday, November 25, 2014 Local time: 21:47

Nhau / Africa

MDC Yoronga Kusvitsa kuSADC Nyaya yeMhirizhonga

VaTendai BitiVaTendai Biti
x
VaTendai Biti
VaTendai Biti
Thomas Chiripasi
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kufara nenyaya yemhirizhonga yave kutekeshera munyika pamberi pereferendamu inonzi ichaitwa musi wa 16 Kurume.

Munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vanoti bato ravo harisi kufara nemhirizhonga iri kuitika munyika.

Izvi zvinotevera kupisirwa mumba kwakaitwa mwana wenhengo yeMDC kuHeadlands, Va Shepherd Maisiri, Simbarashe Maisiri, uyo ange ave nemakore gumi nemaviri ekuberekwa ku Headlands nevanofungidzirwa kuti inhengo dze Zanu PF.

Mushure memusangano uyu, murongi wemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti chinoshamisa ndechekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kutaura zvekuti munyika muve nerunyararo asi vemubato ravo vachienderera mberi nemhizhonga.

VaChamisa vati bato ravo richasvitsa nyaya yemhirizhonga kusangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa reSADC nechinangwa chekuti paitwe musangano wechimbichimbi wekugadzirisa nyaya iyi.

VaChamisa vati bato ravo richatora matanho akasimba nenyaya yemhirizhonga iri kuitika munyika bato ravo risati rabvuma kupinda musarudzo.

MDC inoti pave nenyaya dzemhirozhonga dzinokwana zana nemakumi mana dzaitika munyika kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino.

Zvichakadai, VaBiti varamba mashoko akaburitswa mubepnhau re Sunday Mail ekuti hurumende yave nemari yekuita referendamu vachiti hapana kana kobiri zvaro.

Nemashoko aVa Biti aya, hazvichazivikanwe kuti referendamu iyi ichabudirira kuitwa musi wa 16 Kurume here kana kuti kwete.

You May Like

British Experise: Zimbabwe Haisi Nyika Yakanakira Mabhizinesi eKunze

Gwaro raburitswa nerimwe sangano rekuBritain, rinonzi British Expertise zvichitevera kushanya munyika kwechikwata chevamabhizimisi chekuBritain mwedzi wapfuura rinoti Zimbabwe haisi nzvimbo yakanaka kuita mabhizinesi. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Vamwe Vakashaya Mutsaona muMbizo Stadium Vanoradzikwa muKwekwe

Dzimwe hama dzevanhu vakafa mutsaona yakaitika manheru emusi weChina muMbizo Stadium muguta reKwekwe dzinoti dzinoda kuti paitwe ongororo yekuti chii chaizvo chakanyatsoitika musi uyu. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook