Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC Vanoti Vari Kufuviswa neVatsigiri veZanu PF kuUzumba


Vagari vemunzvimbo yekwaChipfunde mu Ward 8 mudunhu reUzumba vanoti vari kushungurudzwa nenzira dzakasiyana siyana nevatsigiri veZanu PF. Vagari ava, vazhinji vavo vari nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kurambidzwa kugaisa chibage pamwe nekutakura zvirimwa zvavo kuti vanozvitengesa kuHarare.

Munyori weMDC-T munzvimbo iyi, VaKasere Zaranyika, vanoti nekuda kwekushungurudzwa uku, vave kufamba makiromita anodarika gumi nemashanu kuenda kunogaisa panzvimbo yemabhizimisi yekwaKatiyo kunogaisa pamwe nekunokwira mabhazi ekuenda kuHarare.

VaZaranyika vanoti zvinokatyamadza kuti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanogarokurudzira kuti vanhu vagarisane zvakanaka, asi pachine vamwe vachiri kushungurudza vamwe.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Mwena Chigugu, vanoti zvinorwadza kuti zvirimwa zvavo zvave kuparara sezvo vachitora nguva yakareba vachifamba netsoko kuenda kunozvitengesa kumusika.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Maureen Pfupa, vanotiwo vagari vemunzvimbo yavo vanoda kuti vekomiti inoona nezvekutevedzwa kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti JOMIC, vamboshanyirawo dunhu ravo kuti vazogadzirisa matambudziko avo sezvo mapurisa asiri kutorera matanho vari kuisa mutemo mumaoko avo.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaGibson Mutegude vemuWard 8, vanotiwo chave kutyisa ndechekuti vakadzi munzvimbo yavo vave kutyityidzirwa kuti kana vakasasiya MDC vachienda kuZanu PF vacharohwa zvakaipisa sezvakaitika muna 2008.

VaMutegude vanoti vese vakarova nekubhinya vanhu pasarudzo dzemuna 2008 havana kusungwa zvisinei kuti vakamhan’arirwa kumapurisa.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru weZanu PF munzvimbo iyi, VaCrispen Mashanga, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

VaMashanga ndemumwe weavo vari kupomerwa mhosva dzekushungurudza vanhu munzvimbo iyi.

Mumiriri weUzumba mudare reHouse of Assembly, VaSimbaneuta Mudarikwa, vanoti havana chavanoziva panyaya iyi vachiti ivo pachavo vanoda kuti vanhu vese vemuZimbabwe vagare zvakanaka zvinisei kuti ndevebato ripi.

VaMudarikwa vanotiwo kana paine munhu anorambidza vanhu kugaisa pachigayo chake, munhu iyeye ndiye ari kutorasikirwa nebhizimisi.

Vanotiwo ivo pachavo vane nechigayo chinofamba chichigaira vanhu munzvimbo yese yeUzumba vasingasarudze kuti munhu ndewebato ripi.

Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo gore rino uye kubvira pakatanga kutaurwa nyaya dzesarudzo, nyaya dzemhirizhonga dzakabva dzakatanga kuwedzera munzvimbo zhinji munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG