Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakapisirwa Misha Yavo Voyaura kuBuhera


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Mhuri dzine vanhu vanodaraika mazana matatu dziri kuyaura nenhamo zvichitevera kupiswa kwakaitwa dzimba dzavo nehurumende mwedzi wapera.

Izvi zvakaitika mudunhu reBuhera Central kuManicaland.

Vanhu vakapisirwa dzimba dzavo ndevemuraini rekwaDenhere riri pasi pasabhuku Mawire. Vanhu ava vanoti havana pekugara, chekudya, kanawo zvekupfeka sezvo zvinhu zvavaiva nazvo zvakatsvira mudzimba apo dzakapiswa nemapurisa akauya nechikonzi.

Izvi zvinotevera mutongo wedare repamusoro wekuti vanhu ava vabve panzvimbo iyi sezvo yange ichinzi ipurazi rasabhuku Marambanyika iro vakapihwa nehurumende mumazuva echirongwa cheminda mirefu muna 1985.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Lucia Maguduru, vanoti vakashayikirwa nemuzukuru wavo mushure mekupisirwa musha wavo. Vanoti vari kurara panze munguva ino yechando.

Mumwe akaparadzirwa musha wake, ndiAmbuya Dorcas Mahembe, avo vave nemakore anopfuura makumi manomwe.

Mbuya Mahembe vanoti murume wavo akwegurawo zvokuti ava kunetsekana nekufamba. Ambuya Mahembe vanoti chikafu chavo chose chakatsvira mudzimba dzavo padzakapiswa nokudaro hava chekubata.

Amai Rhoda Nheya vanotiwo ivo nevazhinji vavo vatarisana nekuziya nenzara nekuti zvavakakohwa zvakatsvira mudzimba.

Mumwe wevagari vemubhuku iri, Amai Ndina Pedzisayi, vanoti pakaparadzwa musha wavo vainge vasipo. Vanoti mabhuku ekuchikoro evana vavo, uye mayunifomu zvakatsvira mumba payakapiswa nemapurisa.

Sabhuku Mawire Nyasha Matsvai venharaunda iyi vanoti chiri kuvatemesa musoro pari zvino inyaya yekuti mhuri idzi dzivakirwe patsva pekugara sezvo vari kurara pamhene nevana vacheche.

Mumwe Mugari akatarisana nedambudziko iri, VaWitness Mavangira, vanoti dai vemasangano anobatsira vakurumidza kuvabatsira ivo nevamwe vavo nekuti zvavakatarisana nazvo zvakaoma.

Mumiriri weBuhera Central mudare reparamende, VaRonald Muderedzwa, vanoti vari kukumbira rubatsiro rwekuti vagari venharaunda iyi vakwanise kudzokera mumararamiro avo akare.

Pakapinda nyaya yekuti vagari vabviswe pavagere mudare repamusoro gore rapera, vagari vanonzi vaimirirwa negweta, VaLeonard Chigadza, ukuwo sabhuku Marambanyika vachimirirwa naVaMuchaurawa Marinda.

Nepamusana pekushaya mari vagari vanonzi vakatadza kupikisa mutongo wekuti vabve munzvimbo yavagere, izvo zvakazoita kuti chikonzi chitumwe kuzoparadza dzimba dzavo.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Associtiation, kana kuti Zimrights, rinoti ranga risina ruzivo nezvemutongo uyu.

Sangano iri rinoti rakazoziva zvedambudziko iri mushure mekunge vagari vapisirwa misha yavo musi wa 24 Chikumi. ZimRights inotiwo iri kubatsira mhuri idzi nezvipfeko, shangu uye zvekufuga.

Muzvare Cythia Manjoro, avo vanoshanda nesangano iri vanoti ZimRights ichabatsira zvakare mukuwanira vagari ava mvura yemuzvibhorani, kuvavakira dzimba pamwe chete nekuvatsvagira chikafu munguva diki iri kutevera.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimRights, VaPassmore Nyakureba, vanoti nyaya yemhuri dzakaparadzirwa dzimba nemapurisa iyi iri kumatare uko vari kuda kuti varipwe sezvo vanhu ava vakaparadzirwa zvinhu zvavo hurumende isina kutanga yavawanira pekugara sezvinodiwa nemitemo.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG