Accessibility links

Breaking News

America Inorangarira Zuva reMagamba Ayo


America nenyika dzemuCommonweatlh dziri kucherechedza zuva revaimbove varwiri verusununguko pamwe nevese vachiri kushanda muchiuto munyika idzi.

MuAmerica mune zvirongwa zvakasiyana siyana zvichange zvichiitwa senzira yekucherechedza zuva iri kusanganisira kushanya kumarinda evaimbova varwiri verusungunuko.

Zuva iri rakafanana neremagamba muZimbabwe, asi mutsauko uripo ndewekuti hapana zvematongerwo enyika zvinoswa pahurongwa uhu muAmerica sezvinoitwa muZimbabwe.

Vaimbi vanosanganisira Bruce Springsteen, Rihanna, Jennifer Hudson, Carrie Underwood nevamwe vane mukurumbira vachaimba muWashington DC vachifadza veruzhinji vanodarika mazana masere ezviuru vachabva kumativi mana enyika iyi.

Zuva remagamba muAmerica rakatanga kucherechedzwa muna 1919 richinzi Armistice Day zvichitevera chibvumirano chakaitwa musi wa11 Mbudzi 1918 chekupedza hondo yekutanga pasi rose, World War One.

Nyika dzakanyorerana chibvumirano ichi muguta reVersailles mu France iGermany, Britain, France ne America.

Armistice Day rakava zuva rezororo zviri pamutemo muAmerica muna 1938, rikazochinjwa kuva Veterans Day muna 1954.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Amai Diana Chageza, avo vane murume wavo ari muchiuto mu America, vanoti vari kufara nekuremekedzwa kuri kuitwa mauto ose emuAmerica.

Amai Chageza vanoti kunyange hazvo murume wavo ari kubasa ku Afghanistan, ivo nevana vawana mukana wekutaura naye uye kuitawo zvimwe zvirongwa zvekucherechedza mabasa emauto vari mukamba ye Fort Braag yavanogara ku North Carolina mu America.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG