Accessibility links

Breaking News

Vakapwanirwa Nzvimbo Dzavanotengesera muHarare Votsvaga Magweta


Mumwe wevanhu vakapwanyirwa nzvimbo yavanotengesera zvinhu zvavo muHarare neSvondo, Va Edward Chanakira, vanoti varwadzikana zvikuru pavasvika panzvimbo yavange vachitengesera kwemakore manomwe.

VaChanakira vanoti vange vachibhadhara mari kune vaizviti ndevekanzuru asi havana kupihwa yambiro yekuti vachapwanyirwa zvinhu.

Meya weHarare, Va Bernard Manyenyeni, vati havakwanise kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi pari zvino, kunze kwekuti kanzuru iri kuda kuchenesa guta uye zvakaitika kuna Fourth Street imwe yenzira yekuita izvi.

Sangano rinomirira vatengesi re National Vendors Union Zimbabwe rinoti riri mushishi rekutsvaga nagweta ekumirira dzimwe nhengo dzaro dzakaparadzirwa nzvimbo dzavanoshandira pachiteshi chemabhazi chemuna Fourth Street.

Mutungamiri wesangano iri, Va Samuel Wadzayi, vanoti chiitiko ichi chavashamisa zvikuru sezvo vakaita musangano nekanzuru svondo rapera asi hapana zvakataurwa pamusoro penyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG