Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZimbabwe Chamber of The Informal Economy Associations Yoshanya kuAmerica.


VaWisdom Malaya
VaWisdom Malaya

Munyori mukuru wesangano rinomirira vanoita zvekutengesa reZimbabwe Chamber Of The Informal Economy Associations VaWisdom Malaya, avo vari kushanya muno muAmerica vanoti vari kufadzwa neruzivo rwavari kuwana sezvo rwuchabatsira basa ravari kuita munyika.

VaMalaya mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zviri muAmerica pasi pechirongwa chiri kukokerwa nesangano reGlobal Labour University, apo vachange vari muno kwemavhiki maviri.

Pasi pechirongwa ichi VaMalaya vachange vachizeya nedzimwe nyanzvi dzepasi rose pamusoro pematambudziko avari kusangana nawo munyika zvikuru kune vanotengesera mumigwagwa.

Vanoti vachange vachiwana mukana wekunzwawo kubva kune vekune dzimwe nyika dzemuAfrica kuti vari kubata seyi dambudziko rakadai.

Nyanzvi idzi, idzo dziri kusangana muAmerica dzinosvika mazana matatu.

VaMalaya vanoti shuwiro yavo ndeyekuti masangano anomirira vanoita zvekutengesa mumigwagwa seravo arambe achizeya nehurumende kuti vawane nzira dzekugadzirisa matambudziko ari kutarisana nevanotengesa mumigwagwa mumatunhu akawanda munyika.

VaMalaya vachaenda kuchikoro chepamusoro chePennsylvania State University chiri kuPennsylvania muno muAmerica kwevhiki imwechete vasati vadzokera kuZimbabwe.

Musangano mukuru uyu uri pasi pedingindira rekuti "Sharing the Gains – Containing Corporate Power", kureva kuti kushanda pamwe kuchengetedza masimba emakambani madiki kuti akwikwidze nemakambani makuru.

Hurukuro NaVa Wisdom Malaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG