Accessibility links

Breaking News

America neZimbabwe Zvoramba Zvichinetsana


Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vakwidza nyaya yekunetsana kwenyika yavo neZimbabwe kuvatungamiri vehurumende yenyika yavo kuitira kuti vapindure mibvunzo yehurumende yaVaRobert Mugabe.

Izvi zvinoitika mushure mekunge bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe ranyunyuta kuti sei gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vasina kupihwa chiremerera pavakasvika panhandare yendege yeJohn F Kennedy International Airport muNew York apo vaibva kumusangano weUnited Nations General Assembly masvondo maviri apfuura.

Vamwe vakuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vanoti ichokwadi kuti VaWharton vakadaidzwa neChina svondo rapera nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe.

Vakuru ava vanotiwo Ambassador Wharton neChipiri vange vakamirira tsananguro kubva kuhurumende yavo kuti chii chakatora nzvimbo.

Munyori mumubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vatenda kuti vakaita musangano naVaWharton nezvekubatwa kwakaitwa VaMumbengegwi.

Zimbabwe inoti VaMumbengegwi vakamanikidzwa kuti vasechwe zvinongoitwawo munhu zvake ivo vachifanira kungopfuura semutekwatekwa. Asi America inoti VaMumbengegwi vainge vasina mamwe mapepa aidiwa uye kuda kuamirira vaizosiyiwa nendege.

Vamwe vakuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe vanotiwo nyika haina kufara netsamba yakanyorwa nehurumende yeAmerica kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichivayeuchidza kuti vasapfuura mamayera makumi maviri nemashanu kubva pamuzinda weUnited Nations nekuti vakadaro vanenge votyora mutemo weAmerica sezvo vakatemerwa zvirango zvekufamba.

Vachitaura kumusangano we United Nations, VaMugabe vakatora mukana uyu kutuka America vachishora zvirango izvi.

America inoti haisi kucherechedza sarudzo dzemuZimbabwe zvabva zvapa kuti nyika idzi dzive makara asionane.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG