Accessibility links

Breaking News

Takunda Chingonzo Otaura neWhite House Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe


Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama
Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama

Muzinda wemutungamiri we America, VaBarack Obama, uri kutarisirwa kuzeya nechizvarwa che Zimbabwe, Takunda Chingonzo, zvirango zvakatemerwa Zimbabwe ne America kuitira kuti zvisavhiringa vechidiki vari kutanga mabhizinesi avo.

Danho iri rinotevera hurukuro yakaitwa naChingonzo naVa Obama pamusangano we US Africa Leaders Summit muWashington DC neChipiri.

Chingonzo, uyo akataura naVa Obama pasi rose richiona hurukuro iyi paterevhizheni kwemaminetsi anosvika makumi matatu, akaudza VaObama kuti vechidiki vari kuda kutanga mabhizinesi muZimbabwe vari kushaya rutsigiro rwe America nekuti America yakatemera Zimbabwe zvirango zvainoti zvakanangana nevamwe vanhu vanotyora kodzero dzevanhu, kwete munhu wese.

Vachipindura Chingonzo, VaObama vakabvuma kuti zvirango izvi zviri kuvhiringawo vanhu vasingafanirwe kunge vachirangwa nazvo.

VaObama vakaudza Chingonzo kuti aite musangano navo ivo VaObama, kuitira kuti vatarise nzira dzingashandiswe nehurumende yeAmerica mukubatsira vechidiki vari kuda kusimudzira makambani avo.

Asi VaObama vakatiwo mukubatsira vechidiki ava, vanoda kuona kuti mitemo yatevedzerwa muZimbabwe sezvo zviri izvo zviga zvenyika yavo.

Chingonzo, uyo ari muchirongwa che Mandela Young African Leaders Fellowship, uye ari mumwe wevakavamba kambani ye Saisai Wireless, iyo iri kutarisira kuwanisa veruzhinji mukana wekushandisa indaneti pachena muZimbabwe, anoti ari mubishi rekuronga musangano nemuzinda we White House svondo rino kuitira kuti azeye zvakadzama naVa Obama kana mamwe mapazi emuhurumende yavo nyaya yezvirango zviri kutadzisa vechidiki muZimbabwe kudyidzana munyaya dzehupfumi nevemabhizinesi mu America.

Chingonzo, uyo ari kuita zvidzidzo zve Quantity Surveying pa National University Of Science and Technology mu Bulawayo, anotizve akapedza misangano yake ne White House, achange oenda ku California uko achashanda pasi peimwe kambani inodyidzana neAfrica iri mu Berkley, asati adzokera kuZimbabwe mwedzi unouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG