Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuisa Mitemo Inoranga Vanotocha Vanhu


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Zimbabwe yacherechedza neChishanu zuva rekurangarira nekutsigira vanhu vakashungurudzwa pasi rose, reUnited Nations International Day in Support of Victims of Torture, paine kurudziro yekuti hurumende inofanira kudzika mitemo inoranga avo vanoshungurudza vanhu zvisinei kuti vanoshanda muhurumende kana kuti kwete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurongwa uhu hwatanga vamwe vevanhu vakashungurudzwa vachipa nhoroondo dzezvakaitika kwavari uye vachiti kusvika nhanhasi vachiri kutambura pamwe nekugara vachishungurudzwa sezvo pasina zvakaitwa kune avo vakavashungurudzwa.

Vamwe amai vanobva kuMasvingo, avo varamba kudomwa nezita sezvo vachitya kuramba vachishungurudzwa, vaudza gungano ranhasi kuti vakabhinywa musarudzo dza2008 nevarume vashanu nenyaya dzematongerwo enyika vakapihwa chirwere cheHIV uye nhanhasi vari kutambura nechirwere ichi.

Vamwewo avo vakapisirwa musha wavo ndaAmai Ever Mashango avo vati vachiri kushupika nanhasi uye vari kuda kuripwa pane kuparadzirwa zvinhu zvavo kwakaitika.

Asi vachitaura pachiitiko ichi, sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vati Zimbabwe iri kutadza kunatso kugadzirisa nyaya dzekushungurdzwa kwevanhu munyika sezvo pasina mutemo unovasungira kuita izvi.

Vati kunyange hazvo bumbiro remutemo richirambidza kushungurudzwa kwevanhu, Zimbabwe inofanira kusaina chibvumirano chenyika dzepasi rese chekurambiodza kushungurudzwa kwevanhu cheUnited Nations Convention Against Torture and Other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment or Punishment. Zimbabwe neTanzaniandedzimwe dzenyika nomwe dzemuAfrica dzisati dzasaina chisungo cheUN cheCAT chinorambidza kushurugurudzwa kwevanhu

VaMugwadi vati Zimbabwe ikasaina chisungo che UN, zvinoipa mukana wekutiidzike mutemo wekusunga avo vanoshungurudza vamwe.

Vachitaurawo pagungano ranhasi, mukuru werimwe sangano rinoshanda rakazvimirira re Civic Education Network Trust, VaWellington Mbofana, vaudza Studio7 kuti chikumbiro chavo kuhurumende ndechekuti hurumende irange vose vanoshungurudza vanhu.

Hurumende yeZimbabwe inozivikanwa pasi rose nekushungurudza kana kutocha vanoipikisa kusanganisira vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevatori venhau vanoshandira mapepanhau akazvimirira.

Maitiro aya ndezvimwe zvezvikonzero zvakaita kuti Ziimbabwe itemerwe zvirango nenyika dzekumavirira.

Zuva iri rinocherechedzwa pasi rese musi 26 Chikumi gore rega rega senzira yekurudzira dzihurumende kuti dziregedze kushungurudza pamwe nekumisa kushungurudzwa kwevanhu.

Gungano ranhasi rarongwa nemasangano anoshanda akazvirira anosanganisira, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Zimbabwe Peace Projects, Counselling Services Unit pamwe neveZimbabwe Human Rights Commission.

Raitwa pasi pedingindira rinoti, Right to Rehabilitation Now, iro rinokurudzira kuti vanhu vakashungurudzwa vabatsirwe kuitira kuti vakwanise kurarama sezvavaiita vasati vashungurudzwa.

XS
SM
MD
LG