Accessibility links

Breaking News

UN Yobatsira Zimbabwe ne$1.6 Billion Ichasimudzira Zvirongwa Zvakawanda


Hurumende yeZimbabwe nesangano renyika dzepasi rese reUnited Nations zvanyorerana chibvumirano neChishanu chichaita kuti sangano iri ripe rubatsiro rwemari yebudiriro inosvika bhiriyoni rimwe chete nemazana matanhatu emamiriyoni emadhora kuZimbabwe kwemakore mashanu anotevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvichaitwa pasi pechirongwa che Zimbabwe United Nations Development Assistance Framework kana kuti ZUNDAF.

Munyori muhofisi yemutungamiri wenyika nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, ndivo vasaina vakamirira hurumende kozotiwo mumiriri we UN muZimbabwe, VaBishow Parajuli, vasaina vakamirira sangano ravo.

VaSibanda vati zvaitika nhasi zvakanaka chose sezvo mari iyi ichange yave kubatwa nehurumende.

Vati izvi zvasiyana nemakore ehurumende yemubatanidzwa apo mari yerubatsiro yaibatwa nemasangano iwawo achibhadhara ega masangano nemakambani aiita mabasa ebudiriro.

Mari iyi ichabatsira munyaya dzegutsaruzhinji kupa vanhu chikafu, kubatsira muhutano, kusanganisira HIV/AIDS, kuderedza hurombo pamwe nekuenzanisa mikana pakati pevanhuvarume nevanhukadzi.

VaParajuli vati rubatsiro urwu runoratidza kuti sangano ravo rine chido chekubatsira Zimbabwe kuti ibudirire uye vati mari iyi yakaunganidzwa zvisinei kuti zvinhu zvakaoma pasi rese.

Kunyange hazvo veruzhinji vafarira zvaitika nhasi, vamwe vakaita saVaRyan Ndibatei, vaudza Studio 7 kuti UN inofanira kuburitsa maziso kuti mari isashandiswe zvisina maturo nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vati kuendesa mari yerubatsiro kuhurumende kunoreva kut UN yave kuvimba nehurumende yeZimbabwe.

Vatiwo panofanirwa kuva nehwaro hwekuti mari iyi ishandiswe zvine mwero.

Mwedzi wapfuura hurumende yakaita musangano nemasangano anopa rubatsiro akaita seUN nechinangwa chekuumba komiti yekuona kuti mari yerubatsiro yoshandiswa nenzira kwayo

XS
SM
MD
LG