Accessibility links

Breaking News

Mutambi Anne Kansiime Oshanyira Zimbabwe


Anne Kansiime -Ugandian Comedian
Anne Kansiime -Ugandian Comedian

Mudzimai wechidiki ane mukurumbira mukuita zvemitambo, Anne Kansiime, uye akaberekerwa kuUganda, ari kutarisirwa kusvika muZimbabwe neChina.

Kansiime achange ane mutambo mukuru muHarare ku 7 Arts Theatres neMugovera.

Mumwe wevari kuronga mutambo uyu, Va Tonderai Mwaita, vekambani ye Extra Time Entertainment, vanoti pari zvino matikiti emutambo uyu atopera uye vari kufara nematambirwo awaitwa neveruzhinji munyika.

VaMwaita vanoti vasikana nemadzimai ndivo vakanyanya kutenga matikiti emutambo uyu uye pari zvino vanhu vari kutovanetsa kuti vaite mumwe mutambo nesvondo.

"Vanhu vazhinji vari kuridza nhare vachikumbira kuti tiite mumwe mutambo neSvondo asi tichazoziva kuti zvinoita here mushure mekunge tazeya nevayenzi vedu pavanouya," VaMwaita vaudza Studio7.

VaMwaita vanoti mutambo uyu uchabatsira kukurudzirawo vanhukadzi vanoita zvemitambo kuitira kuti vaite basa iri sezvo muZimbabwe musina vanhukadzi vakawanda vanoita zvemitambo.

Kansiime, uyo ane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa, akaenda kuMakerere University uye akaroorwa na Gerald Ojok.

Mitambo yake mizhinji inoburitswa padandemutande repa internet kuitira kuti veruzhinji vaione.

Kansiime ane mibayiro yakawanda yaapihwa nepamusana pekugona kwake kuita mitambo inosiya vakawanda vatsemuka miromo nekuseka.

Hurukuro NaVa Tonderai Mwaita
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG