Svondo, Kubvumbi 26, 2015 Local time: 04:46

Nhau / Africa

VaTsvangirai Vokokwa paKugadzwa kweMutungamiri weSouth Korea

VaMorgan TsvangiraiVaMorgan Tsvangirai
x
VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Blessing Zulu
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kusimuka munyika neChishanu vakananga kuSouth Korea uko vakokwa pahurongwa hwakakosha zvikuru hwekutora mhiko kwemutungamiri wenyika iyi mutsva, VaPark Geun-Hye.  

VaTsvangirai vari kupihwawo ruremekedzo rwekuva muzvinafundo, kana kuti Honarary Doctorate Degree rinova rechipiri kupihwa nenyika iyi. 

Muna 2010 VaTsvangirai vakapihwa Honorary Degree of Doctor of Laws nePai Chai University yekuSouth Korea kwakare.

Asi rwendo urwu rwunenge rwuri kukonzera mutauro muhurumende yemubatanidzwa sezvo bepanhau reHerald rakange raburitsa kare neMugovera kuti VaTsvangirai vaizoenda kunyika dzeku Asia kunotsvaga mari yebato ravo sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Nyaya iyi yakanyorwa naNathaniel Manheru, uyo anofungidzirwa kuti nevamwe ndiVaGeorge Charamba, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Chipangamazano chaVaTsvangirai, VaAlex Magaisa,  vanoti havangataure nezvemashoko eHerald asi kuti South Korea yaratidza kuti inoremekedza VaTsvangirai semutungamiri wehurumende.

Hurukuro naVaAlex Magaisa
Hurukuro naVaAlex Magaisai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Zvikwangwari Zvakaiswa neZanu PF Zvinobviswa muHarare

Bepanhau reZimbabwe Independent rinoti rakashanyira nzvimbo iyi neChina rikaona kuti zvikwangwari zvaive nemazita emigwagwa aya akanga abviswa. Onai zvimwe

VaBhasikiti Voruma Nzeve VaMugabe Zviri Kuitwa naAmai Mahofa kuNuanetsi Ranch

Amai Mahofa vakaudza Studio7 svondo rapera kuti mhuri zviuru makumi maviri dzichabviswa kuNuanetsi Ranch dzichiendeswa kumapurazi manomwe akatsvagwa nehurumende. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Caps United Yotarisana neNguva Yakaoma

Chikwata cheCaps United chatarisana nemimwe miyedzo yemari apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kusvika mumitambo mitanhatu. Onai zvimwe

Vagari Voramba Hurongwa hweKanzuru yeMutare

Vagari vekwaMutare vari kutsika madziro vachiti havasi kuzotambira hurongwa hwekanzuru yeguta ravo hwekuda kuti vagari vatange vabhandara mvura yavanoshandisa vasati vaishandisa mvura yacho. Onai zvimwe
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook