Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mari dze Tollgate Dziri paMutemo


VaObert Mpofu
VaObert Mpofu

Dare repamusoro rarasa chikumbiro chemagweta anorwira kodzero dzevanhu chekuti hurumende isabvumidzwe kukwidza mari inobhadhariswa vatyairi vedzimotokari mumigwagwa pama tollgates.

Mutongi wedare repamusoro, Va Joseph Mafusire, varasa chikumbiro chakasvitswa kudare nemagweta anorwira kodzero dzevanhu esangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, chekuti hurumende isabvumidzwe kukwidza mari dzema tollgates nezvikamu zana kubva muzana.

Va Mafusire vati zvinenge zvataurwa navakuru muhurumende hazvipikiswe sezvo vari Ivo vari kuziva mamiriro akaita zvinhu munyika.

Mutongo waVa Mafusire, uyo waverengwa naVa Francis Bere, unoti havawone chakakanganiswa negurukota rinowona nezvekutakurwa kwezvinhu, Va Obert Mpofu, pavakazivisa kukwidzwa kwemari dzema tollgates vachiti ibasa ravo kuona kuti migwagwa yagadzirwa.

Zvisinei, mutongo uyu unotiwo nyaya yema tollgates iyi inobata veruzhinji vanobhadhara mitero iyi.

Gweta re Zimbabwe National Road Administration, Zinara, Va Farai Mutamangira, vati vafara nemutongo waturwa nedare.

Gweta re ZLHR, Va Joshua Shekede, vati havana kufara nemutongo waturwa nedare vachiti hupenyu huchawomera vanhu vanofamba nedzimotokari.

Kunyange hazvo ZLHR yakanga yakwidza nyaya iyi kumatare, hurumende yakatanga kubhadharisa vedzimotokari mutengo mutsva wema tollgates musi we Chishanu svondo rapera.

Mumwe mutyairi wemotokari, Va Mufudzi Sakupwanya, vanoti kukwidzwa kwakaitwa mari dzema tollgates nehurumende kunoratidza kuti hurumende haina hany’a neveruzhinji avo vari kunhonga svosve nemuromo nepamusana pekuminama kwaita hupfumi hwenyika.

Zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mari idzi nehurumende, motokari diki dzavakusingirwa kubhadhara madhora maviri kubva padhora rimwe chete uye mabhazi ave kusungirwa kubhadhara madhora gumi kubva pamadhora mashanu.

XS
SM
MD
LG