Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kubatsira Vari Mumatambudziko eMafashanu


Sangano re Red Cross riri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze kuti zvibatane nemasangano ari kubatsirana nehurumende mukurwisa dambudziko riri kutarisana nemhuri dzakavhiringirwa hupenyu hwadzo nemafashamu.

Dambudziko iri rakatarisana zvikuru nevanhu vari kuMatebeleland, Masvingo ne Mashonaland Central. Vamwe vavo vakaparadzirwa dzimba nezvirimwa nemafashanu emvura.

Vanoona nezvekufambisa kwemashoko musangano iri, Va Takemore Mazuruse, vanoti mhuri dzinodarika zviuru zviviri nemazana mashanu munzvimbo yeTokwe Mukosi kuMasvingo dzakatarisana nedambudziko remafashamu.

Va Mazuruse vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zvemunyika zviitewo moyo munyoro kwete kumirira rubatsiro kubva kunze panyaya dzekubatsira vanotarisana nematambudziko munyika.

Va Mazuruse vanoti veruzhinji vanofanirwa kutsvaga nzira dzekubatsira vakatarisana nematambudziko emafashamu kwenguva ndefu kwete kungobatsira kwenguva pfupi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG